Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva Zviri Mubhuku raVaEfeso VAEFESO ZVIRI MUBHUKU RACHO 1 Kwaziso (1, 2) Zvikomborero zvemweya (3-7) Kuunganidza zvinhu zvese muna Kristu (8-14) ‘Urongwa hwekuunganidzwa kwezvinhu’ kana nguva yakwana (10) Kuiswa chisimbiso nemweya ‘wavakafanobatiswa’ (13, 14) Pauro anoonga Mwari nekuda kwekutenda kwevaEfeso uye anovanyengeterera (15-23) 2 Kuitwa vapenyu muna Kristu (1-10) Rusvingo runoparadzanisa runoparadzwa (11-22) 3 Chakavanzika chitsvene chinosanganisira vemamwe marudzi (1-13) Vemamwe marudzi vanova vagari venhaka pamwe naKristu (6) Chinangwa chaMwari chisingagumi (11) Kunyengeterera vaEfeso kuti vawedzere kuva nenjere (14-21) 4 Kubatana mumuviri waKristu (1-16) Varume sezvipo (8) Unhu hwekare uye unhu hutsva (17-32) 5 Kutaura kwakachena uye mabasa akachena (1-5) Fambai sevana vechiedza (6-14) Zadzwai nemweya (15-20) Shandisai nguva yenyu nekuchenjera (16) Mazano kuvarume nemadzimai (21-33) 6 Mazano kuvana nekuvabereki (1-4) Mazano kuvaranda navanatenzi (5-9) Zvipfeko zvemurwi zvakakwana zvinobva kuna Mwari (10-20) Kwaziso yekupedzisira (21-24)