Mukai!—“Chishandiso Chinokosha Uye Chisingaenzaniswi”
“NDINOKUONGAI nokuda kwenyaya yenyu ine musoro unoti ‘RSD—A Puzzling, Painful Disorder,’ iri muchinyorwa chechiNgezi chaSeptember 8, 1997. Semutori wenhau dzemudare, ndinowanzodaidzwa kuti ndinyore ufakazi hwenhau dzakawanda dzakasiyana-siyana uye dzakaoma kunzwisisa. Munguva pfupi yapfuura ndakashuma ufakazi hwenhau yemutindivadzi aiva nyanzvi yekubata nemarwadzo. Zvaiva muufakazi hwenhau yacho yose yaiva RSD [Reflex Sympathetic Dystrophy]. Nemhaka yekugarorava Mukai!, ndakakurumidza kuziva shoko racho nemitoo yekurapa nayo, iyo yakatsanangurwa zvakajeka muchinyorwa chaSeptember. Gare gare ndakakwanisa kugoverana nyaya iyi nevamwe vamiririri vaibatanidzwa munhau yacho.
“Ndinorangarira Mukai! sechishandiso chinokosha chisingaenzaniswi mudzidzo yangu inopfuurira. Inoita kuti ndirambe ndichiziva nezvenhau dzakawanda zvikuru.—G. M. A.”
Kana uchida kugamuchira kopi yazvino uno yeMukai!, zvino inobudiswa mumitauro 81, tapota onana neZvapupu zvaJehovha munharaunda yako kana kuti nyorera kero iri pedyosa yakaratidzwa papeji 5.