RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 11/8 p. 32
  • Nei Kune Kuparara Kwetsika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Kune Kuparara Kwetsika
  • Mukai!—2000
Mukai!—2000
g00 11/8 p. 32

Nei Kune Kuparara Kwetsika

MUNA October apfuura mumwe munyori muLoja, kuEcuador, akaonga ushumiri hweZvapupu zvaJehovha. Zvimwe zvezvaakataura ndezvokuti:

“Imwe yenhamo yakaipisisa iri kutambudza vanhu kuparara kwetsika . . . Kunoratidzika sokuti vanhu vakanganwa kuzadzikisa Mirayiro Gumi uye havachateereri hana yavo, zvose zvichidzivisa kunzwisisa pakati pevanhu. Kwose kwose uye zuva nezuva, tinonzwa nezvoruvengo, chisimba, kuparwa kwemhosva, kutengesa zvinodhaka zvisiri pamutemo, ugandanga, uye kusaremekedza kodzero dzevanhu. . . .

“Zvapupu zvaJehovha, pasina kuda kushamisira, zvinoita basa razvo norugare uye norunyararo, zvichishanyira vavakidzani vazvo pasuo nesuo, zvichigovera magazini azvo maviri akaisvonaka, Nharireyomurindi neMukai!, umo nyaya dzinofadza zvikuru dzinobudiswa. Mukai! zvikurukuru inotaura nezvenhau dzinofadza dzakasiyana-siyana dzesayenzi dzisingarambiki uye dzine chokuita netsika. Dzose idzi dzinonyorwa nokujeka uye kururama kunoyemurika.”

Kuparara kwetsika kwanhasi kuri pachena, asi sezvataurwa papeji 4 yemagazini ino pachikamu chinoti “Chikonzero Nei Mukai! Ichibudiswa,” Mukai! “inonyatsoongorora uye inoratidza zvinonyatsoreva zviri kuitika nhasi.” Bhurocha rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? rinoratidza kutambura uko vanhu vatsungirira, asi rinoita zvakawanda. Rinoratidza nei kune kuparara kwetsika nemigumisiro yakwo yakaipa zvikuru. Zvinotokosha zvikuru, rinoratidza kuti rusununguko ruchawanikwa sei nokukurumidza.

Ungakumbira kopi yebhurocha iri rinozorodza rine mapeji 32 nokunyora ndokutumira kopani riri pasi apa kukero iri pakopani kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

◻ Nditumirei bhurocha rinonzi Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?

◻ Ndapota ndionei nokuda kwechidzidzo cheBhaibheri chapamusha chepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe