Vechiduku Vanobvunza Kuti
Ndingaita Sei Kana Ndisinganzwi Zvakanaka?
“KUBWINYA kwevechiduku kuri musimba ravo,” inodaro Zvirevo 20:29. (The Jerusalem Bible) Kana uchirwara kana kuti wakaremara, unganzwa sokuti rugwaro urwu harungamboshandi kwauri. Asi runogona kushanda! Chokwadi ndechokuti vechiduku vakawanda vakaremara uye vanongoramba vachirwara vakakurira zvipingamupinyi zvinoodza mwoyo kwazvo. Awake! yakabvunzurudza vamwe vechiduku vana vakadaro.
Hiroki, wokuJapan, akakanganisika uropi kubvira paakazvarwa. Anoti, “Mutsipa wangu haukwanisi kunyatsomisa musoro wangu zvakanaka, uye maoko angu anoita zvakasiyana nezvandinenge ndichida kuti aite. Zvose ndinongobatsirwa nevamwe.”
Natalie nehanzvadzi yake, James, vokuSouth Africa, vakazvarwa vaine miviri miduku zvikuru. Uyewo musana waNatalie wakakombama. Anoti, “Musana wangu wakavhiyiwa kana, uye nokuti wakakombama, mapapu angu haana simba.”
Timothy, wokuBritain, paaiva nemakore 17 akabatwa chirwere chisingaperi chinokonzera kushayiwa simba uye kungonzwa kuneta. Anoti, “Mwedzi miviri isati yapera, ndakanga ndisisina utano hwakanaka uye ndakasara ndisisina simba zvokuti makumbo angu akanga asingachakwanisi kuita kuti ndirambe ndakamira.”
Danielle, wokuAustralia, akabatwa chirwere cheshuga aine makore 19. Anoti, “Sezvo chirwere cheshuga chisingaoneki, vamwe vanhu havazivi kuti chakaipa zvakadini. Chokwadi ndechokuti chirwere ichi chinogona kundiuraya.”
Kana uchitambura nechirwere kana kuti kuremera, hapana mubvunzo kuti zvakataurwa naHiroki, Natalie, Timothy, naDanielle zvichakukurudzira. Kana uine utano hwakanaka mashoko avo anogona kukubatsira kuti unzwisise vaya vari kutsungirira kuremara kana kuti kurwara.
Awake!: Chii chakanyanya kuoma padambudziko rako?
Natalie: Kana ndiri ini, zvakaoma kuona zvinoitwa nevanhu pavanonditarisa. Handimbonzwi ndakasununguka. Ndinonzwa sokuti vanhu vose vanoramba vakanditarisa.
Danielle: Dambudziko guru rine chirwere cheshuga nderokuti ndinofanira kuziva zvandinofanira kudya, kuti ndodya zvakawanda sei, uye kuti ndezvipi zvandisingafaniri kunyanya kudya. Ndikadya zvisiri izvo zvingaita kuti shuga yangu iderere zvakanyanya, izvo zvingaita kuti ndipedzisire ndava pakoma.
Hiroki: Ndine wiricheya inoenderana nezvakaita muviri wangu uye ndinopedza maawa anenge 15 pazuva ndisina kuchinja magariro angu. Uyewo, handirari zvakanaka. Ndinongomutswa chero noruzha rupi zvarwo.
Timothy: Pakutanga, dambudziko rangu guru raiva rokubvuma kuti ndairwara. Ndainyara nezvandiri.
Awake!: Ndeapi mamwe matambudziko aunosangana nawo?
Danielle: Chirwere cheshuga chinoita kuti ndinzwe kuneta zvikuru. Ndinofanira kurara kupfuura zvinoitwa nevamwe vezera rangu. Uyewo, chirwere cheshuga hachiperi uye hachirapiki.
Natalie: Zviri pachena kuti kuva mupfupi kunonditadzisa kuita zvakawanda. Kuita zvinhu zvakadai sokutora zvinhu pasherefu muchitoro, kwakaoma. Pandinenge ndichitenga ndiri ndoga, ibasa chairo.
Timothy: Ndaifanira kurarama nemarwadzo asingaperi, pamwe chete nokumboora mwoyo. Ndisati ndarwara, ndaibishaira zvikuru. Ndaishanda uye ndaiva nechitambi chokutyaira. Ndaitamba mitambo yakadai senhabvu nesquash. Iye zvino ndava kungogara pawiricheya.
Hiroki: Handigoni kutaura zvakanaka. Izvi zvinondiodza mwoyo uye zvinonditadzisa kutanga kukurukurirana nevamwe. Dzimwe nguva, ndinongokanda maoko ndisingadi ndoerekana ndarova mumwe munhu netsaona. Izvi pazvinoitika, handitombokwanisi kuti “Ndine urombo,” pamusana pokusagona kutaura zvakanaka.
Awake!: Chii chave chichikubatsira kurarama nedambudziko rako?
Danielle: Ndinoedza kungofunga zvinhu zvinokurudzira muupenyu hwangu. Ndine mhuri yakanaka kwazvo, ndine shamwari dzinondida muungano uye, zvinonyanya kukosha ndezvokuti Jehovha Mwari anonditsigira. Ndinoedzawo kuziva mashoko matsva anondibatsira kuti ndirarame nechirwere cheshuga. Ndine basa rokutarisira utano hwangu uye ndinoedza nepandinogona napo kuzvitarisira.
Natalie: Munyengetero unondisimbisa. Ndinoedza kugadzirisa matambudziko angu ndichiti ndikapedza rimwe ndogadzirisa rimwe. Kuramba ndiine zvokuita kunondibatsira kuti ndisaramba ndichifunga zvinhu zvakaipa. Uye ndine vabereki vakanaka kwazvo vandinoudza zvinondinetsa.
Timothy: Ndinoita zvimwe zvinhu zvine chokuita nokunamata zuva nezuva, kunyange kwenguva pfupi. Somuenzaniso, ndinotanga zuva rimwe nerimwe nokukurukura rugwaro rwezuva. Kudzidza Bhaibheri ndiri ndoga uye kunyengetera zvinokosha chaizvo kwandiri, kunyanya pandinenge ndakaora mwoyo.
Hiroki: Handizvinetsi nezvinhu zvandisingagoni kugadzirisa. Uku kutambisa nguva. Ukuwo, ndinoita zvose zvandinogona kuti ndive noukama naMwari, uye handiregi kudzidza Bhaibheri pamusana pedambudziko rangu. Pandinotadza kurara, ndinouona somukana wokunyengetera.—Ona VaRoma 12:12.
Awake!: Vamwe vanhu vanokukurudzira sei?
Hiroki: Vakuru vanogara vachindirumbidza pamusana pezvinhu zviduku duku zvandinogona kuita. Hama nehanzvadzi muungano vanoendawo neni kune vanhu vavanodzokera kunoonazve uye kuvanhu vavanodzidza navo Bhaibheri.—Ona VaRoma 12:10.
Danielle: Zvichida chinhu chinonyanya kundikurudzira ndepaya pandinorumbidzwa nemwoyo wose nehama nehanzvadzi dzomuungano. Izvi zvinoita kuti ndinzwe kuti ndinokoshawo uye zvinondikurudzira kuti ndirambe ndichipfuurira.
Timothy: Pane hanzvadzi yakwegura inogara ichiedza zvose zvainogona kutaura neni pamisangano. Vakuru nemadzimai avo vaigarawo vachindikurudzira uye vachindipa mazano anobatsira. Mumwe mukuru ane makore 84, akandibatsira kuti ndivavarire kuita zvinhu zvandinogona. Mumwe mushumiri anoshumira akandikoka kuti ndishande naye muushumiri, uye akaronga kuti tishande nzvimbo yakanga yakati sandara uye yaifambika newiricheya yangu.—Ona Pisarema 55:22.
Natalie: Pandinongopinda muImba yoUmambo, hama nehanzvadzi dzangu dzandinonamata nadzo dzinondikwazisa dzichinyemwerera. Nguva dzose vechikuru vanondikurudzira pasinei nokuti vanenge vaine zvinetso zvavo.—Ona 2 VaKorinde 4:16, 17.
Awake!: Chii chinokubatsira kuramba uine tariro?
Hiroki: Zvandiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndinowadzana nesangano revanhu vane tariro yakajeka. Kuziva kuti ndiri musangano rine vanhu vakanaka kunondibatsira kuti ndive netariro.—Ona 2 Makoronike 15:7.
Danielle: Ndinofunga nezveropafadzo yandiinayo yokunzwisisa chinangwa chaMwari. Pane vanhu vane utano hwakanaka, asi havagutsikani noupenyu hwavo sezvandinoita.—Ona Zvirevo 15:15.
Natalie: Ndinoona zvichikosha kushamwaridzana nevanhu vanofara. Zvinokurudzirawo kuverenga zvakasangana nevamwe vari kushumira Jehovha pasinei nemiedzo. Uye pandinoenda kuImba yoUmambo, nguva dzose ndinoziva kuti ndichasimbiswa uye ndichayeuchidzwa kuti iropafadzo kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.—Ona VaHebheru 10:24, 25.
Timothy: Maererano na1 VaKorinde 10:13, Jehovha haatiregi tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira. Ndinofunga kuti kana Musiki wangu aine chivimbo chokuti ndinogona kurarama nomuedzo wangu, ndiri ani kuti ndipikisane naye?
Dzimwe nyaya dzinobva pachikamu chinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti www.watchtower.org/ype
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
◼ Hiroki naTimothy vanogara vari muwiricheya. Kana uine dambudziko rakafanana neravo, mashoko avo angakubatsira sei kuti urambe uine mafungiro akanaka?
◼ Danielle anoti “sezvo chirwere cheshuga chisingaoneki, vamwe vanhu havazivi kuti chakaipa zvakadini.” Iwewo une chirwere “chisingaoneki” here? Kana uinacho, ungadzidzei pane zvinotaurwa naDanielle?
◼ Natalie anoti rimwe rematambudziko ake makuru kuona zvinoitwa nevanhu pavanomutarisa. Ungaita sei kuti munhu akaita saNatalie anzwe akasununguka? Kana uchirwara kana kuti wakaremara zvinoita kuti unzwe saNatalie, ungatevedzera sei mafungiro ake akanaka?
◼ Nyora pasi apa mazita evanhu vaunoziva kuti vakaremara kana kuti vane chirwere chisingaperi.
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
◼ Chii chaungaita kuti ukurudzire mumwe nomumwe wavo?
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
[Bbhokisi riri papeji 10]
Nyaradzo Inobva muBhaibheri
◼ Jesu anonzwira tsitsi zvechokwadi vanhu vanorwara.—Mako 1:41.
◼ Noku“rapa hosha dzemarudzi ose noundonda hwemarudzi ose,” Jesu akaratidza kuporeswa kuchaitwa vanhu muUmambo hwaMwari.—Mateu 4:23.
◼ Munyika itsva yaMwari, “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara,’” uye marwadzo achange asisipo.—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:1-4.
◼ Kunyange rufu ‘ruchaparadzwa.’—1 VaKorinde 15:25, 26.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Hiroki, 23 Japan
[Mufananidzo uri papeji 8]
Natalie, 20 South Africa
[Mufananidzo uri papeji 8]
Timothy, 20 Britain
[Mufananidzo uri papeji 8]
Danielle, 24 Australia