RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 2 pp. 9-13
  • Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari Chinounza Betsero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari Chinounza Betsero
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Mirayiridzo Yevatariri Vechikoro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Vatariri Vanopa Nhungamiro—Mutariri weChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Chikoro chaMwari Choushumiri cha2015 Chinotibatsira Kuvandudza Madzidzisiro Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 2 pp. 9-13

Fundo 2

Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari Chinounza Betsero

1-5. Chikoro choushumiri chinogovera rovedzoi kutiyamura mubasa redu kuna Mwari?

1 Jehovha anotirovedza sei savabatiri vake kuva vanobudirira muushumiri? Kunoitwa kupfurikidza nesangano rake. Munyika zhinji rovedzo inotanga nounyanzvi hwokutanga sokudzidza kurava. Nokuda kwavaye vakadzidza kurava uye kunyora, nhano inotevera ndiko kunyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari.

2 Ichi chikoro chinogovera rovedzo yapachena nokuda kwoushumiri. Chinobetsera ungano munzira mbiri: (1) Mudzidzi mumwe nomumwe anopiwa purogiramu yefundo inomubetsera kuvandudza mumano okuunganidza, kukudziridza uye kupa mashoko nenzira ine mufungo kuna vamwe; uye (2) ungano yose inowana mashoko akawanda anokosha mukosi yevhiki imwe neimwe. Nzwisiso yakavandudzika yomudzimu uye mubato wokushumira zvine chokwadi chokuvapo somugumisiro.

3 Purogiramu yacho munyika imwe neimwe inorongwa nehofisi yebazu reWatch Tower Society uye rudungwe rwegore negore rwunogoverwa. Purogiramu yacho inotsamira, chokwadika, pazvinyorwa zvinowanika mumutauro kana kuti mumitauro yenyika yacho. Zvikurukuru inotsamira paBhaibheri.

4 Hurukuro dzakati dzinobetsera dzinopiwa navadzidzi vhiki imwe neimwe. Huru yacho inonzi hurukuro yokurayira uye yakati rebei kupfuura dzimwe dzacho. Inogoverwa kuhama inokwanisa, kuti ungano igowana betsero yakakwana zvikurusa mairi. Dzimwe hurukuro ipfupi uye dzingagoverwa kumunhurume kana kuti munhukadzi sokugovera kungaita rudungwe rwechikoro. Imwe yehurukuro pfupi zvikuru dzavadzidzi, kuchitsamira parudungwe rwomunzvimbomo, ingava yokurava Bhaibheri. Dzimwe hurukuro dzichakudziridza misoro yakagoverwa uye zvichida kupiwa kuronga kunoshanda, kana kwakakodzera mashoko acho. Migove inoitwa nehanzvadzi ichawanzova chimiro chemharidzo muushumiri hwapaimba neimba, zvichida kurukurirano pashanyo yedzokerero kana kuti pashure pefundo yeBhaibheri, kupupura kusina kurongwa kana kuti kurukurirano nemitezo yemhuri yake amene kana kuti mumwe muparidzi.

5 Muungano duku dzakaumbwa chose chose navakadzi mashoko ose anogonawo kufukidzwa. Seiko? Kupfurikidza nemishumo isina kurongwa, kurukurirano pakati pehanzvadzi mbiri, mibvunzo nemhinduro kana kuti kupfurikidza nokungorava mashoko akabudiswa.

6. Zvikwanirisoi zvinodikanwa kumutariri wechikoro?

6 Mutariri wechikoro. Mutariri weChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari anogadzwa muungano imwe neimwe. Anofanira kuva mudzidzisi akakwaniriswa. Anofanira kuva nezivo yakanaka yechokwadi cheBhaibheri nezivo inobetsera inoshanda yomutauro wevazhinjisa vavadzidzi vake. Anofanira kuva anongwarira pakutaura uye ane mutsa. Mumudzimu, anofanira kuva “murume mukuru.” Ibasa rake kukunyora somudzidzi, kugovera hurukuro ndokukupa zano romutsa uye rinovaka.

7. Zvinhui zvinorangarirwa pakugovera hurukuro?

7 Mutariri wechikoro anochengeta chinyorwa chaavo vakanyoresa, zvikurukuru nokuda kwedonzo rokuita migove. Migove iyoyi yehurukuro inowanzopiwa dzinenge vhiki nhatu pachine nguva mberi yakaita zvokunyorwa. Ikoku kunokupa nguva yokunzvera uye yokugadzirira mashoko okukurukura. Mutariri wechikoro anoziva kuti kune vanhu vane mwero yakasiyana-siyana yedzidzo muungano, naizvozvo anoita migove achirangarira izvozvi. Haaedzi kupa mudzidzi muduku zvikuru musoro waisazova wakakodzera munhu muduku. Anotsvaka kupa mukana kune mudzidzi mumwe nomumwe akanyoresa wokugoverana mupurogiramu yacho.

8. Nei vakurukuri vari vadzidzi vachipiwa chiratidzo apo nguva yavo inenge yapera?

8 Chokwadika, apo chikoro chinoitiswa, chinofanira kuchengetwa chiri murudungwe rwenguva. Naizvozvo, apo hurukuro dzavadzidzi dzinopfuura nguva, mutariri wechikoro kana kuti mubatsiri achapa chiratidzo. Mudzidzi wacho angapedzisa mutsetse waari kutaura uye ipapo anofanira kubva pachikuva.

9-12. Mutariri wechikoro anoratidzira nenzirai kufarira kwake fambiro mberi yaavo vanokurukura hurukuro pamwe chete navose vari muungano?

9 Mutariri wechikoro anopa zano mudzidzi mumwe nomumwe ungano yose ichinzwa, nemhaka yokuti vamwe kunze kwomukurukuri wacho vanogona kubetserwa naro. Rumbidzo nguva dzose yakafanira. Kutaura idi, mupi wezano achadisisa kukukurudzira. Zano rinovaka richapiwa pamusoro pamapfundo akananga akarongwa pasiripi reZano Rokutaura, mapfundo awakumbirwa kushandira paari. (Ona udzame muFundo 20.) Mutariri wechikoro achaita nhamburiko yokuva akarovedzana iye pachake nezvinodikanwa zvako somudzidzi, uye achafarira zvikuru fambiro mberi yako.

10 Anodisawo kuita kuti rusando rumwe norumwe rwechikoro rwuve chikomborero kuna vose vari muungano. Achakukurudzira kutora rutivi kutambanuko yaunokwanisa, kupa tsinhiro mukati mehwirudzuro yenguva dzose yokutaura uye kugoverana muhwirudzuro yepanhambo nenhambo yokunyora. Kana usati wanyoresa, achakukurudzira kuita kudaro, achikubetsera pazvinetso zvako uye kukuratidza magonere aungaitawo kuva murumbidzi anobudirira waJehovha.

11 Mutariri weChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari anewo ropafadzo yokukubetsera somudzidzi akanyoresa kana uchida rubatsiro pamigove yako, achikushanyira pamusha pako pakunenge kwakakodzera. Kana pasina nguva yakakwana yokupa kuna ikoku, iye achakumbira hama dzakakura mumudzimu uye vakurukuri vane ruzivo rwokuzviwanira kukuyamura. Imi vaberekiwo munogona kubetsera zvikuru kupfurikidza nokupa betsero yakadaro kuvana venyu mumene, kwete kuvagadzirira hurukuro, asi kupa zvikarakadzo uye nhungamiro pamusoro penzvero iri madikanwa uye gadziriro. Kana uri kurovedza muparidzi mutsva muushumiri hwomumunda, ungakumbirwa kubetsera munhu mumwe cheteyo kugadzirira migove yake muchikoro choushumiri.

12 Raibhurari yamabhuku yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari yapaHoro yoUmambo inotarisirwa nomutariri wechikoro. Achaita zvaanogona kuratidzira kune vatsva kuzviyamura kwavangaita nedura racho rezivo yeBhaibheri. Anofanira kuedza kuva nezvinyorwa zvose zvazvino zveSosaiti, pamwe chete namamwe mabhuku anobetsera enongedzero, ari pamasherufu, anowanika kuvadzidzi navamwe.

13-17. Fambiro mberi inoitwa navadzidzi inooneka nyore nyore sei kuna vamwe?

13 Betsero kuvadzidzi. Apo unopiwa mugove muchikoro, ugamuchire nokudisa souri kuuya kunewe kupfurikidza nesangano raJehovha. Nenzira yakafanana gamuchira uye shandisa nokuzvininipisa kwose zano rinopiwa. Zvikarakadzo zvaunopiwa nomupi wezano zvinogona kushandiswa mose muri muviri mukutaura kwako kwezuva nezuva nomuushumiri hwako. Kupfurikidza nokuita nhamburiko yokudzidza ndokushandisa mashoko anogoverwa muichi chikoro, uchabetserwa zvikuru kwazvo.

14 Avo vanopinda uye vanogarogoverana mupurogiramu yechikoro vanowana kuti tsinhiro dzavo pamisangano dzinovandudzwa zvikuru kwazvo, uye kutora rutivi kwavo muushumiri hwomumunda kunobudirira zvikuru kwazvo. Uye chikoro chinoshongedzera vadzidzi vechirume kugadzirira uye kupa hurukuro dzinonyandura uye dzinosunda vanzwi, vangave vachiitisa mativi papurogiramu dzemisangano yebasa kana kuti kukurukura hurukuro dzavose. Vazhinji, somugumisiro werovedzo yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, vakakwanisa kupa dziviriro yakaisvonaka pamberi pamatare navatongi, nepo vamwe vakataura kuchikoro kana kuti kumapoka omunzanga.

15 Mudzidzi achawanawo, apo anoshandisa mukutaura kwake kwezuva nezuva uye kurukurirano zano rinogamuchirwa pahurukuro dzavadzidzi, kuti tsika dzokutaura dzakasimba zvikuru kwazvo, dzakaipa dzichibviswa pashure penguva yakati. Pangava panzvimbo yebasa rokunyika, pachikoro chehurumende kana kuti kumwe, rovedzo yedu seZvapupu zvaJehovha inokurumidza kuva pachena kuvacherechedzi. Sokutaura kwakaita imwe magazini inosanozivikanwa: “Mumwedzi mishomanene, Zvapupu zvitsva zvinofunda Bhaibheri zvakaoma zvikuru kupfuura zvinoita vaKristu vakawanda zvikurusa muupenyu hwavo hwose. Uye hakusi tsaona kuti zvinodokuva zvose zvinova vakurukuri vakadzikama uye vakanaka.”

16 Kwakanaka kuti mumwe nomumwe wedu ari muungano ave nenharidzano kuti tigogona kuziva fambiro mberi yatiri kuita muushumiri. Nharidzano dzakadaro kazhinji kazhinji dzinogona kusanobatanidzwa nomwero wefambiro mberi inoitwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Somuenzaniso, unonzwa kuti hauna kushongedzerwa here kudzokerera vanofarira nokupindura mibvunzo yavo? Mazhinji amashoko anopiwa uye anoenzanisirwa pachikoro anobetsera nokuda kwaaya mamiriro ezvinhu chaiwo.

17 Kuti betsero hurusa igowanwa, chikoro hachifaniri kurangarirwa sekosiwo zvayo yamaminiti makumi mana namashanu yevhiki nevhiki. Panzvimbo pezvo, kana uri mudzidzi anoshingaira, uchada kutevera purogiramu yose yefundo yokumba uye gadziriro; kubatanidza kurava Bhaibheri uye imwe nzvero iri madikanwa. Havasati vari vakurukuri vari vadzidzi bedzi, asi tose zvedu tinopinda marusando echikoro tichawana zivo uye mano savashumiri vaJehovha kana tikagadzirira chidzidzo chevhiki yacho pachine nguva mberi.

18-20. Nei tisati tichifanira kubvumira kushayikwa kwamano omunhu oga kuchitidzivisa kuti tigorega kugoverana zvizere muchikoro?

18 Vose vanokurudzirwa kupa zvakanakisisa zvavo, zvikurukuru kurangarira donzo rechikoro. Harisati riri rokuratidzira mano okutaura. Uyewo harisati riri rokuratidzira utera uye zvinetso zvavamwe. Zvirokwazvo, vavariro yatinosvika nayo mibato yechikoro kumwero mukuru ichadzora tambanuko yebetsero yatichawana. Rutivi rwegadziriro yaJehovha yedzidzo. Ari kutidzidzisa uye ari kutirovedza nokuda kwedonzo rake. Hapana kudikanwa kwokuti mudzidzi upi noupi ave anoitira hanya kuorora kwaanoita, nokuti hatisati tiri kuedza kufadza vanhu kana kuti kuwirirana chose chose nemipimo yavanhu yokudzidzisa uye yokutaura. Tinofarira kuwana tendero yaMwari uye chikomborero chake pamubato wedu wokushumira.

19 Chokwadi, dzimwe hama nehanzvadzi dzinganzwa sezvakaita Mosesi apo akati kuna Jehovha: “Handizi munhu unogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya.” (Eks. 4:10) Asi kana uchitenda kuti hapana chinhu chisingabviri kuna Mwari, uchakurira kunzwa ikoko kwokutanga. (Mat. 19:26) Uyewo, unogona kurangarira kuti vandudziko ipi neipi mumano ako okutaura Shoko roupenyu kwakasanofanirwa nenhamburiko inodikanwa. Kunyange kuvandudzika kuduku kungaguma nokutungamirira mumwe munhu kupinda munzira youpenyu, uye ikoko hakungavi chisakiso chokufara here?

20 Donzo gurusa reChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nderekurovedza nokuda kwebasa rokushumira. Iva mumwe wavazhinjisa vanogaropinda uye kutsvaka betsero dzacho, uye ipapo ona chikomborero chaJehovha panhamburiko dzako dzokufambira mberi.—VaF. 3:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe