RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 82
  • Modhekai naEstere

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Modhekai naEstere
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 17—Estere
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Akaratidza Uchenjeri, Ushingi, Uye Kuzvipira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Esteri Anoponesa Vanhu Vake
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 82
Pamabiko, Mambokadzi Esteri anoudza Mambo Ahashivheroshi zvakanga zvarongerwa vaIsraeri naHamani

NHAU 82

Modhekai naEstere

NGATIDZOKEREI shure makore mashoma Ezra asati aenda Jerusarema. Mordhekai naEstere ndivo vaIsraeri vanoisvokosha muumambo hwePersia. Estere ndimambokadzi, hanzvadzi yake Mordhekai inotevedzera bedzi mambo musimba. Ngationei kuti kwakaitika sei.

Vabereki vaEstere vakafa paaiveri muduku kwazvo, nokudaro Mordhekai akamurera. Ahashivheroshi, mambo wePersia, anemba yake youmambo muguta reShushani, uye Mordhekai ndimumwe wavabatiri vake. Eya, rimwe zuva mudzimai wamambo Vashti haamutereri, saka mambo anosarudza mudzimai mutsva kuva mambokadzi wake. Unoziva mukadzi waanosarudza here? Hungu, Estere muduku akaisvonaka.

Hamani anogumbuka nekuramba kuri kuita Modhekai kumupfugamira

Unoona uyu murume anozvikudza anokotamirwa navanhu here? NdiHamani. Murume anoisvokosha muPersia. Hamani anoda kuti Mordhekai, waungaona agere pano, amukotamirewo. Asi Mordhekai haangakuiti. Haafungi kuti kwakarurama kukotamira munhu akaipa akadaro. Ikoku kunotsamwisa Hamani zvikuru. Nokudaro anoita izvi.

Hamani anorevera nhema mambo pamsoro pavaIsraeri. Anoti: ʼVanhu vakaipa vasingatereri mitemo yenyu.ʼ ʼVanofanira kuurawa.ʼ Ahashvheroshi haazivi kuti mudzimai wake Estere muIsraeri. Saka anoterera Hamani, anoita kuti mutemo uitwe parimwe zuva kuti vaIsraeri vose vagourawa.

Apo Mordhekai anonzwa nezvomutemowo, anotsamwa zvikuru. Anotumira shoko kuna Estere: ʼUnofanira kuudza mambo, ndokumukumbira kutiponesa.ʼ Kurwisana nomutemo muPersia kundoona mambo kutoti wakokwa. Asi Estere anopinda asina kukokwa. Mambo anomutambanudzirira tsvimbo yake yendarama, kunoreva kuti haafaniri kuurawa. Estere anokokera mambo naHamani kuzvokudya zvakawanda. Ipapo mambo anobvunza Estere chaanoda kwaari. Estere anoti achamuudza kana iye naHamani vachizouya kuzvimwe zvokudya mangwana.

Pazvokudyazvo, Estere anoudza mambo kuti: ʼVanhu vokwangu neni tichaurawa.ʼ Mambo anoshatirwa. Anoti: ʼNdianiko anotsunga kuita chinhu chakadaro?ʼ

Estere anoti: ʼMurumeyo, muvengi, ndiHamani uyu akaipa!ʼ

Zvino mambo ashatirwa zvomenemene. Anoraira kuti Hamani aurawe. Pashure pacho, mambo anoita kuti Mordhekai atevedzere musimba bedzi kwaari iye amene. Mordhekai ipapo anotarisira kuti mutemo mutsva unoitwa unobvumira vaIsraeri kurwira upenyu hwavo pazuva ravanofanira kuurawa. Nemhaka yokuti Mordhekai murume anokosha kudaro zvino, vanhu vazhinji vanobetsera vaIsraeri, nokudaro vanoponeswa pavavengi vavo.

Bhuku reBhaibheri raEsteri.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe