Rwiyo 172
Ramba Uchitanga Kutsvaka Umambo
1. Chinodiwa naJehovha,
Chinoita afare,
Umambo naKristu Jesu,
Huchanakisa zvose.
Vaprofita vohuona
Vakahutaririra.
Mutungamiriri Jesu
Otikurudzirawo.
(Korasi)
2. Tine ropafadzo kwazvo
Kugovana basa’ri !
Zvatakapiwa basa’ri
Ngatiritarisire.
Tofunganyirei hedu
Kuti tichanzwa nzara?
Mwari wedu acha tipa
Tikatsvaka Umambo.
(Korasi)
3. Tsika ino yotoguma;
YaMwari yotosvika.
Vanhu vacharumbidza Ja;
Pasi rova munhanga.
Ngatizivise Umambo,
Makwai agoona
Tariro yavo inaJa
NeUbati ushehwo.
(KORASI)
Ramba uchitsvaka Ushe
Nokururama kwaJa.
Tanga revererwo yake,
Uye umubatire.