Rwiyo 191
Ita Zvokwadi Yako Umene
1. Nzira yezvokwadi yakanakisisa.
Hakuna inoipfu’ra.
She wakadzidzisa ukoshi hwokupa,
Mufaro wacho mukuru.
Iva weidi.
Ratidzira kutenda.
M’nzira yaunofamba nayo
Ita zvokwa di kuva yako.
2. Nokukoshesa Jehovha nokum’kudza,
Woshaya shamwari m’nyika.
Kuvasina kutenda kunoshamisa
Kuti wada kururama.
Iva weidi.
Urambe nyika ino.
Ugoswedera pedyo naJa,
Ita zvokwa di kuva yako.
3. Dhiabhorosi achada kunyengera,
Ungasano mudzivisa.
Nhovo huru yaMwari idziviriro
Wozvidzivirira nayo.
Iva weidi.
Satani tomuziva.
Kupfeka chidzitiro chaJa,
Ita zvokwa di kuva yako.
4. Nyama yakaneta pamwewo nomwoyo.
Ungarwisana nechivi.
Bva simbisirwa kuti unochikunda,
Mwari ndiye mubetseri.
Iva weidi.
Dzivisa zvakaipa.
Kana muviri uchidzora,
Ita zvokwa di kuva yako.