Kubudisa Mabhuku eBhaibheri Okurumbidza Mwari
Zvapupu zvaJehovha zvinosanozivikanwa nokuda kwokuparidzira kwazvo Umambo hwaMwari kupfurikidza namabhuku. Chifo cha 1920 Watch Tower Society yakashandisa vashandi vokuzvipira vanobva pakati peZvapupu kubudisa magazini namabhuku zvokugovera. Ikoku kwave kuri kusimbisira kubudiswa kunovimbika kwamabhuku pamutengo mudukusa unobvira.
Kwamakore 60, Sosaiti yakakudziridza uye yakafutunura kubudisa kwayo mabhuku eBhaibheri, kutanga muBrooklyn uye tevere mudzimwe nyika. Basa rose rakanga raitwa kupfurikidza navashandi vanowedzera vanozvipira.
Pakazosvika pakupera kwama 1970 mitoo yegamuchidzanwa yokugadzirira ndokutsikirira rugwaro yakanga ichiregwa pashoma napashoma nokuda kwokugadzirira kwekomupiyuta, kugadzirira kutsikirira kupfurikidza nechiedza, nokutsikirira nomuchina weoffset. Chinetso pano chakanga chiri chokuti shongedzero inowanika yezvokutengeserana yaigona kugadzirira bedzi chiverengero chakaganhurirwa chemitauro. Zvisinei, Sosaiti yakanga ichitobudisa mabhuku muinenge mitauro 160, uye kwakanga kuno kudikanwa kwemimwe yokuwedzera.
Naizvozvo vazvipiri vakadanwa kuzokudziridza gadziriro yemitauro mizhinji yokugadzirira nokuda kwokutsikirira nechiedza chinodzorwa chamagetsi. Miuyo yacho yaigutsa. Kubudirira kuri madikanwa kworuzivo rwokugadzirwa kwezvinhu kwakaitwa, uye kupinzwa kwamashoko, nyaya, negadziriro yokugadzirira nokuda kwokutsikirira nechiedza chinodzorwa namagetsi, inonzi MEPS, yakaitwa. Iyoyi inogona kugadzirira inenge mitauro 200. Mizhinji inogona kuwedzerwa.
Nhasi kupinzwa kwamashoko muMEPS nezvikamu zvemifananidzo, zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha, zviri kushandiswa munyika dzine 25, uye kuzhinji kuri kurongedzerwa. Vashandi vanozvipira vanobva muidzi nyika vakarovedzwa kushandisa nokuchengeta iyi michina. Sosaiti zvino iri kubudisa magazini mumitauro inopfuura 100 munyika 36, uye mu 5 dzeidzi nyika mabhuku makuru namaBhaibheri ari kubudiswawo.
Kuita iri basa kunoda vanhu—vanyori, vashanduri, varavi vanoruramisa zvikanganiso, vatsikiriri, vanoisa mabutiro amabhuku, navashandi vomuimba yokutumira mabhuku. Vamwe vanofanira kutarisira kunyorerana neungano. Vamwe vanorima zvokudya, vanobika zvokudya, vanochenesa, vanowacha, zvichingodaro. Kose ikoku kunotarisirwa navashandi vanozvipira vanozviita vanowanika munyika dzakasiana-siana. Kupote nyika mukati ma 1985, kwaiva navashandi vanozvipira vane 8 438 vanobatira mumahofisi akasiana-siana, mafekitari, nemisha namapurazi.
Ndivanaaniko vanhu ivava? Ivo varume navakadzi, pfunda navakaroora, vaduku navakuru, vose Zvapupu zvaJehovha zvakazvitsaurira. Vamwe vave vari muiri basa kwamakore 40, 50, uye kunyange 60. Vanopedzera avhareji yamaawa anenge 44 pavhiki pamigove yavo yebasa, nenguva yomuraudzo seinodikanwa. Madekwana nokupera kwevhiki kunopirwa kukuparidzira mashoko akanaka paimba neimba, nemimwe mibato yeungano.
Kupota nyika ava vashandi vanogoverwa makamuri ano mwero nezvokudya pane chimwe chezvivako zvedzimba dzeSosaiti, zvinonzi Misha yeBheteri. Mukuwedzera, vanogamuchira mvumiro duku yokuripira ndyiko dzokufamba muushumiri hwavo nechitsama chiduku chezvinodikanwa zvomunhu mumwe nomumwe.
Chifo cha 1920, ava vashandi vanozvipira vakabudisa maBhaibheri, mabhuku, magazini, namabhukwana anopfuura mabhirioni 9 mumitauro inenge 200 nokuda kwokugoverwa kwenyika yose. Vari kuita rutivi rwavo kuti mashoko akanaka asingaperi agoziviswa samatama anofadza kurudzi rwuri rwose nendudzi iri yose norurimi rwuri rwose navanhu vari vose.—Zvakazarurwa 14:6, 7.
• Ko Watch Tower Society ine mabasai okutsikirira, uye nei?
• Ndivanaani vanoita iri basa rose, uye vanorarama sei?
[Mifananidzo iri papeji 24]
Vanozvipira vachiita mabasa ane chokuita nokubudiswa kwamabhuku anotsanangura Bhaibheri pafekitari, pamusha, pahofisi, napapurazi, muBrooklyn napaWallkill, New York, U.S.A.
[Mifananidzo iri papeji 25]
Vanozvipira vachiita mabasa akasiana-siana vachibatanidzwa nomutoo wakananga kana kuti usina kunanga mukubudiswa kwamaBhaibheri namabhuku anotsanangura Bhaibheri
Spain
Germany
Finland
Canada
Denmark
Sweden
South Africa
Brazil
Netherlands
Australia