RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 19
  • Muranda Akatendeka Akangwara Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muranda Akatendeka Akangwara Ndiani?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • “Chokwadi Ndiani Muranda Akatendeka, Akangwara?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • “Muranda” Akatendeka Uye Akangwara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • “Vanoramba Vachitevera Gwayana”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 19

CHIDZIDZO 19

Muranda Akatendeka Akangwara Ndiani?

[Mufananidzo uri papeji 22]

Tese tinobatsirwa nezvekudya zvedu zvekunamata

[Mufananidzo uri papeji 22]

Nguva pfupi asati afa, Jesu akataura nevadzidzi vake vana vanoti, Petro, Jakobho, Johani, naAndreya vari pavo vega. Jesu paaitaura nezvechiratidzo chekuti avapo mumazuva ekupedzisira akabvunza mubvunzo unokosha wekuti: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake kuti atungamirire veimba yake, achivapa zvekudya zvavo panguva yakakodzera?” (Mateu 24:3, 45; Mako 13:3, 4) Jesu aivimbisa vadzidzi vake kuti sezvo aiva “tenzi” wavo, aizogadza vanhu vaizoramba vachipa zvekudya zvekunamata kuvateveri vake panguva yemugumo. Ndivanaani vaizova muranda wacho?

Iboka diki revateveri vaJesu vakazodzwa. “Muranda” uyu iDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha. Dare iri rinopa zvekudya zvekunamata kuvanhu vese varinonamata navo Jehovha. Tinoziva kuti muranda iyeye akatendeka ndiye anoramba achitipa ‘mugove wedu wezvekudya panguva yakakodzera.’—Ruka 12:42.

Ndiye anoona nezveimba yaMwari. (1 Timoti 3:15) Jesu akapa muranda basa guru rekutungamirira pakuronga nezvebasa rechikamu chepanyika chesangano raJehovha. Izvi zvinosanganisira kuchengetedza pfuma yesangano, kutungamirira pabasa rekuparidza, uye kutidzidzisa vachishandisa ungano. Kuti atipe zvatinoda panguva yakakodzera, “muranda akatendeka, akangwara” ari kutipa zvekudya zvekunamata kuburikidza nezvinyorwa zvatinoshandisa muushumiri, uye zvinhu zvatinodzidziswa pamisangano nepamagungano.

Muranda uyu akatendeka nekuti haasiyi chokwadi chiri muBhaibheri uye akatendeka pabasa rekuparidza mashoko akanaka. Uye muranda uyu akangwara nekuti anotungamirira zvinhu zvaKristu achiratidza uchenjeri. (Mabasa 10:42) Jehovha ari kukomborera basa riri kuitwa nemuranda kuburikidza nekuita kuti vanhu varambe vachiuya kusangano rake vachiwana zvekudya zvakawanda zvekunamata.—Isaya 60:22; 65:13.

  • Ndiani akagadzwa naJesu kuti ape vateveri vake zvekudya zvekunamata?

  • Sei muranda achinzi akatendeka uye akangwara?

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe