RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 23
  • Mabhuku Edu Anonyorwa Sei Uye Anoturikirwa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Edu Anonyorwa Sei Uye Anoturikirwa Sei?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Kukunda Dambudziko Rekusiyana Kwemitauro​—Maitirwo Ebasa Rekushandura Mabhuku
    Mukai!—2016
  • Kutsigira Nokuvimbika Shoko raMwari Rakafuridzirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Sirivha Ndeyangu, Nendarama Ndeyangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kuunganidza Vanhu Kubva Mumitauro Yose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 23

CHIDZIDZO 23

Mabhuku Edu Anonyorwa Sei Uye Anoturikirwa Sei?

[Mufananidzo uri papeji 26]

Dhipatimendi Rekunyora, U.S.A.

[Mufananidzo uri papeji 26]

South Korea

[Mufananidzo uri papeji 26]

Armenia

[Mufananidzo uri papeji 26]

Burundi

[Mufananidzo uri papeji 26]

Sri Lanka

Kuti tinyatsoparidza “mashoko akanaka” “kumarudzi ese nemadzinza nendimi nevanhu,” tinobudisa mabhuku mumitauro inopfuura 750. (Zvakazarurwa 14:6) Tinoita sei basa iri rakakura kudaro? Tine vanyori nevashanduri vari munyika dzakasiyana-siyana vakazvipira pabasa ravo. Vese zvavo Zvapupu zvaJehovha.

Mabhuku edu anonyorwa mumutauro weChirungu. Dare Rinotungamirira ndiro rinotungamirira basa rinoitwa neDhipatimendi Rekunyora riri pamahofisi edu makuru. Dhipatimendi iri ndiro rinoronga basa revanyori vari pamahofisi edu makuru uye pane mamwe mapazi edu. Kuva nevanyori vakasiyana-siyana kunoita kuti tinyore nyaya dzinobata vanhu vemarudzi akawanda, zvoita kuti mabhuku edu afarirwe pasi rese.

Zvinhu zvinenge zvanyorwa zvinobva zvatumirwa kuvashanduri. Pashure pekunge nyaya dzinenge dzanyorwa dzaongororwa uye dzabvumirwa kuti dzinoita, dzinobva dzatumirwa kuvashanduri vari pasi rese pachishandiswa Indaneti, vobva vadziisa mumitauro yavo, vasingachinji pfungwa dzacho. Vanoedza kutsvaga “mashoko akarurama echokwadi” anonyatsobudisa zvinenge zvichirehwa neChirungu.—Muparidzi 12:10.

Makombiyuta anoita kuti basa rikurumidze. Kombiyuta haigoni kunyora yega kana kuturikira sezvinoitwa nevanhu. Asi basa ravo rinogona kukurumidza kana vakashandisa maduramazwi epakombiyuta, mapurogiramu epakombiyuta, nezvimwewo zvekushandisa kutsvaga mashoko. Zvapupu zvaJehovha zvakagadzira purogiramu inonzi Multilanguage Electronic Publishing System (MEPS) iyo inoshandiswa mumazana emitauro, ichiisa mifananidzo nemashoko panzvimbo yakakodzera, zvoita kuti zvinyorwa zvacho zvikwanise kuprindwa.

Sei tichishanda nesimba zvakadaro kuti mabhuku edu awanike kunyange mumitauro inotaurwa nevanhu vashoma? Nekuti Jehovha “anoda kuti vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:3, 4.

  • Mabhuku edu anonyorwa sei?

  • Sei tichiita kuti mabhuku edu ave mumitauro yakawanda chaizvo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe