RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • fg chidzidzo 7 mibv. 1-5
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
  • Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
fg chidzidzo 7 mibv. 1-5

CHIDZIDZO 7

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

1. Chii chinonzi Umambo hwaMwari?

1. Umambo hwaMwari kudenga; 2. Jesu achirapa munhu ane maperembudzi

Nei Jesu ari iye Mambo akakodzera?​—MAKO 1:40-42.

Umambo hwaMwari ihurumende iri kudenga. Huchabvisa dzimwe hurumende dzese uye huchaita kuti kuda kwaMwari kuitwe kudenga nepanyika. Aya mashoko anofadza nekuti vanhu vagara vachida utongi hwakanaka. Munguva pfupi iri kutevera, Umambo hwaMwari ndihwo huchange hwava kutonga vanhu. Huchabatanidza vanhu vese panyika.​—Verenga Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10; 24:14.

Umambo hunofanira kuva namambo. Saka Jehovha akagadza Mwanakomana wake Jesu Kristu kuti ave Mambo weUmambo hwake.​—Verenga Zvakazarurwa 11:15.

Ona vhidhiyo inonzi Umambo hwaMwari Chii?

2. Nei Jesu ari iye Mambo akakodzera?

Mwanakomana waMwari ndiye Mambo akakodzera nekuti anobata vanhu zvakanaka uye haatombodi zvinhu zvisina kururama. (Mateu 11:28-30) Anewo simba rekubatsira vanhu nekuti achange achitonga pasi rese ari kudenga. Paakamutswa, akaenda kudenga akanogara kuruoko rwerudyi rwaJehovha akamirira kugadzwa saMambo. (VaHebheru 10:12, 13) Mwari akazomupa simba rekuti atange kutonga.​—Verenga Dhanieri 7:13, 14.

3. Ndivanaani vachatonga naJesu?

Jesu achatonga neboka revanhu vanonzi “vatsvene.” (Dhanieri 7:27) Vaapostora vaJesu vakatendeka ndivo vakatanga kusarudzwa kuti vave muboka racho. Jehovha achiri kusarudza varume nevakadzi vakatendeka kuti vave muboka revatsvene vacho. Vanhu ava pavanofa, vanomutswa vaine muviri wemweya sezvakaitwa Jesu.​—Verenga Johani 14:1-3; 1 VaKorinde 15:42-44.

Vangani vanoenda kudenga? Jesu akavati “boka diki.” (Ruka 12:32) Vese pamwe chete vachasvika 144 000. Vachatonga nyika pamwe chete naJesu.​—Verenga Zvakazarurwa 14:1.

4. Chii chakaitika Jesu paakatanga kutonga?

Kudzidza Bhaibheri

Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga muna 1914.a Jesu paakagadzwa kuva Mambo akabva akanda Satani nemadhimoni ake panyika. Satani akatsamwa chaizvo uye akatanga kukonzera matambudziko pasi pese. (Zvakazarurwa 12:7-10, 12) Kubva ipapo matambudziko ari kusangana nevanhu ari kungowedzera. Zvinhu zviri kuitika panyika zvakadai sehondo, nzara, zvirwere nekudengenyeka kwenyika zvinotova “chiratidzo” chekuti Umambo hwaMwari hwava pedyo nekutonga nyika.​—Verenga Ruka 21:7, 10, 11, 31.

5. Chii chiri kuitwa neUmambo hwaMwari?

Kuburikidza nebasa rekuparidza riri kuitwa pasi pese, Umambo hwaMwari huri kutoita kuti pave neboka guru revanhu vakabatana vanobva kumarudzi ese. Mamiriyoni evanhu vanyoro ari kubvuma kutungamirirwa naJesu. Vanhu ivavo vachachengetedzwa neUmambo hwaMwari pahuchaparadza vanhu vakaipa. Saka vese vanoda kuzowana makomborero achaunzwa neUmambo hwaMwari vanofanira kudzidza kuteerera Jesu.​—Verenga Zvakazarurwa 7:9, 14, 16, 17.

Vanhu vari kutongwa neUmambo hwaMwari muParadhiso panyika

Umambo hwaMwari huchaita kuti chinangwa chaMwari chaakasikira nyika chizadzike. Huchaita izvi mumakore anosvika 1 000. Nyika yese ichava paradhiso. Jesu achabva adzosera Umambo kuna Baba vake. (1 VaKorinde 15:24-26) Ndiani waunoda kuudzawo nezveUmambo hwaMwari?​—Verenga Pisarema 37:10, 11, 29.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 8 ne9 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei?

a Kuti uone mashoko anoratidza kuti Bhaibheri rakagara rataura nezvegore ra1914, ona peji 216-219 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe