RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 6 p. 20-p. 21 ndim. 5
  • Vanhu 8 Ndivo Vakapona

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu 8 Ndivo Vakapona
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Areka yaNoa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mafashamo Makuru
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 6 p. 20-p. 21 ndim. 5
Mvura zvainoramba ichinaya, areka inotanga kuyangarara

CHIDZIDZO 6

Vanhu 8 Ndivo Vakapona

Noa nemhuri yake pamwe chete nemhuka vachibuda muareka

Noa nemhuri yake, pamwe chete nemhuka vakapinda muareka. Jehovha akavhara dhoo uye kwakabva kwatanga kunaya. Kwakanaya zvekunaya zviya, areka yacho ikatanga kuyangarara pamusoro pemvura. Nyika yese yakasvika pakuzadzwa nemvura. Vanhu vese vaiita zvakaipa vakafira kunze kweareka. Asi Noa nemhuri yake vakanga vakachengeteka vari muareka. Fungidzira kufara kwavakaita nekuti vakateerera Jehovha!

Mvura yakanaya kwemazuva 40 neusiku 40, ichibva yazomira. Zvishoma nezvishoma mvura yaiva panyika yakatanga kudzikira. Areka yacho yakabva yazonogara pamusoro pemakomo. Asi mvura yakanga ichakazara kwese kwese, saka zvakanga zvisati zvava kuita kuti Noa nemhuri yake vabude muareka.

Mvura yacho yakabva yatanga kuserera zvishoma nezvishoma. Noa nemhuri yake vakapedza nguva inopfuura gore vari muareka. Jehovha akabva avaudza kuti vabude muareka vachipinda munyika yakanga isisina vanhu vakaipa. Vakatenda chaizvo kuti Jehovha akanga avaponesa, uye vakaratidza kutenda kwavo nekupa chibayiro kuna Jehovha.

Muraraungu

Jehovha akafara chaizvo nechibayiro chacho. Akabva avimbisa kuti haachazoparadzizve zvinhu zvese zviri panyika achishandisa mafashamo. Akaita kuti pave nemuraraungu wekutanga kuti uve chiratidzo chezvaakanga avavimbisa. Wakamboona muraraungu here?

Jehovha akaudzawo Noa nemhuri yake kuti vave nevana uye vazadze nyika.

‘Noa akapinda muareka, uye vanhu havana kucherechedza kusvikira Mafashamo auya akavakukura vese.’​—Mateu 24:38, 39

Mibvunzo: Chii chakaitika Jehovha paakavhara dhoo reareka? Muraraungu unotiyeuchidza nezvei?

Genesisi 7:1-9:17

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe