RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 98 p. 228-p. 229 ndim. 1
  • ChiKristu Chinoenda Kumarudzi Akawanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ChiKristu Chinoenda Kumarudzi Akawanda
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso Wakafuridzirwa Webasa Roufundisi rechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Vanhu vaJehovha Vanosimbiswa Mukutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Vakaramba Vachizadzwa Nemufaro Nemweya Mutsvene”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Kutaura “Neushingi Nesimba raJehovha”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 98 p. 228-p. 229 ndim. 1
Muapostora Pauro naBhanabhasi vari kuparidzira gavhuna weKupro anonzi Segiyo Paurosi

CHIDZIDZO 98

ChiKristu Chinoenda Kumarudzi Akawanda

Vaapostora vakateerera murayiro waJesu wekuti vaparadzire mashoko akanaka panyika yese. Muna 47 C.E., hama dzaiva kuAndiyoki dzakatuma Pauro naBhanabhasi kunoparidza. Vaparidzi vaviri ivavo vaishingaira, vakafamba muAsia Minor yese vachisvika kunzvimbo dzakadai seDhebhe, Ristra neIkoniyumu.

Pauro naBhanabhasi vaiparidzira munhu wese, angava mupfumi kana murombo, mukuru kana mudiki. Vanhu vakawanda vakagamuchira chokwadi pamusoro paKristu. Pauro naBhanabhasi pavakaparidzira gavhuna weKupro ainzi Segiyo Paurosi, mumwe muroyi akaedza kuvarambidza. Pauro akaudza muroyi wacho kuti: ‘Jehovha achakuranga.’ Ipapo ipapo, muroyi wacho akabva ava bofu. Gavhuna Paurosi paakaona izvi, akava mutendi.

Pauro naBhanabhasi vaiparidzira kwese kwese, paimba neimba, mumisika, mumigwagwa uye mumasinagogi. Pavakaporesa murume ainge akaremara kuRistra, vanhu vakaona chishamiso chacho vakafunga kuti Pauro naBhanabhasi vaiva vanamwari uye vaitoda kuvanamata. Asi Pauro naBhanabhasi vakavarambidza, vachiti: ‘Namatai Mwari chete! Isu tingoriwo vanhu.’ Vamwe vaJudha vakabva vauya ndokuita kuti boka revanhu ripandukire Pauro. Vanhu vacho vakabva vamutema nematombo, ndokumukwevera kunze kweguta, vachibva vamusiya vachifunga kuti akanga afa. Asi Pauro akanga achiri mupenyu! Hama dzakabva dzauya kuzomubatsira uye dzakamutora ndokudzokera naye muguta. Pauro akazodzokera kuAndiyoki.

Muna 49 C.E., Pauro akaendazve kunoparidza. Apedza kuonana nehama dzaiva muAsia Minor, akatoita kuti mashoko akanaka asvike kure chaizvo, kuEurope. Akaenda kuAtene, Efeso, Firipi, Tesaronika nedzimwewo nzvimbo. Sirasi, Ruka nemukomana ainzi Timoti vakaendawo naPauro. Vakabatsirana pakuumba ungano nekudzisimbisa. Pauro akambogara muKorinde kwegore nehafu, achisimbisa hama dzaiva ikoko. Akaparidza, akadzidzisa uye akanyora tsamba kuungano dzakawanda. Aiitawo basa rekugadzira matende. Nekufamba kwenguva, Pauro akazodzokera kuAndiyoki.

Muapostora Pauro ari kuparidzira pamusika

Pava paya muna 52 C.E., Pauro akazoenda zvakare kunoparidza, uye akatangira muAsia Minor. Akaenda kure chaizvo kuchamhembe, ndokusvika kuFiripi uye akazoendawo kuKorinde. Pauro akapedza makore akati kuti ari muEfeso, achidzidzisa, achirapa vanhu uye achibatsira ungano. Aipawo hurukuro dzavose zuva nezuva muimba yepachikoro yaiitirwa mitambo. Vanhu vakawanda vakateerera uye vakasiya zvakaipa. Apedza kuparidza mashoko akanaka munyika dzakawanda, Pauro akazoenda kuJerusarema.

“Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi.”—Mateu 28:19

Mibvunzo: Uchishandisa mepu iri muBhaibheri rako (Bhaibheri-Shanduro yeNyika Itsva, Mashoko Ekuwedzera B13), ungakwanisa here kuona nzendo dzakafambwa naPauro paaiparidza?

Mabasa 13:1–23:35

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe