BHOKISI REKUDZIDZISA 9D
Uprofita Hwekutapwa Nekudzorerwa Kwevanhu VaMwari
Uprofita hwakawanda hwekutapwa kwevaJudha vachiendeswa kuBhabhironi hwakazozadziswa kechipiri uye pamwero mukuru, ungano yechiKristu payakatapwa neBhabhironi Guru. Imboona zvimwe zvacho zvakazadziswa.
1. YAMBIRO |
2. UTAPWA |
3. KUDZORERWA KWEKUNAMATA KWAKACHENA |
|
---|---|---|---|
KUZADZISWA KWEKUTANGA |
Gore ra607 B.C.E. Risati Rasvika—Isaya, Jeremiya, naEzekieri vakayambira vanhu vaMwari; asi vanhu vakaramba vachipanduka |
607 B.C.E.—Jerusarema rinoparadzwa; vanhu vaMwari vanotapwa voendeswa kuBhabhironi |
537 B.C.E. Zvichienda Mberi—Nhapwa dzakatendeka dzinodzokera kuJerusarema, dzovakazve temberi, dzotangazve kunamata kwakachena |
KUZADZISWA KUKURU |
Pakatanga chiKristu—Jesu, Pauro, naJohani vakayambira ungano, asi vanhu vakaramba vachipanduka |
100 C.E. Zvichienda Mberi—VaKristu vechokwadi vanotapwa neBhabhironi Guru |
1919 C.E. Zvichienda Mberi—Vachitungamirirwa naJesu, mambo akagadzwa naMwari, vakazodzwa vakatendeka vakasunugurwa muutapwa hwekunamata uye vakatangazve kunamata kwakachena |