Iwe Unoyeuka Here?
Wakafarikanya here kurava zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi? Eya, ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:
◻ Ndoupi uri musoro wokuparidza evhangeri kweBhaibheri kwomuzuva razvino uno?
Rutivi rukuru rweshoko romuparidzi wechokwadi weevhangeri nhasi mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hunodzorwa noMutongi wake akagadzwa, Jesu Kristu. Iwo anobatanidza zvokwadi dzose idzo Jesu akaraira uye idzo vadzidzi vake vakanyora. (Mateo 24:14; 28:19, 20)—1/1, peji 4.
◻ Neiko kuri madikanwa kupfuurira kuparidzira mashoko akanaka mundima mune miuyo mishomanene kana kuti musina?
Jehovha, kupfurikidza naKristu Jesu, akaraira kuti ‘mashoko akanaka aparidzirwe mupasi rose rinogarwa.’ (Mateo 24:14) Apo vanhu vanoramba kuteerera, ikoku kunotipa banza rokuratidza ukuru hworudo rwedu nokuzvipira kuna Jehovha kupfurikidza nokupfuurira kuita chiri chakarurama. Uyewo, rudo rwedu runotisunda kunyevera vavakidzani vedu pamusoro peicho nguva yemberi inacho nokuda kworudzi rwomunhu. (1 Johane 5:3; 2 Timotio 4:2)—1/1, peji 26.
◻ Ibetseroi idzo ushumiri hwenguva yakazara hunounza kuvaparidzi voUmambo vazhinji?
Hunovabetsera kusakurira zvizere zvikuru chibereko chomudzimu, kuratidzira rudo rukuru nokuda kwavanhu, kuva nyanzvi zvikuru muushumiri, uye kuvimba naJehovha kusvikira patambanuko huru zvikuru. Nokudaro, ivo vanofarikanya ukama hwapedyo zvikuru naJehovha.—1/15, peji 26.
◻ Vanyori vose veBhaibheri vakanongedzera kunhungamiroi nedonzo raMwari pasinei zvapo nemisiano mukupa?
Ivo vose vakaratidzira izvo Jehovha Mwari achaita kuti afadze rudzi rwomunhu uyewo izvo vanhu somunhu mumwe nomumwe vanofanira kuita kuti vagamuchire tendero yaMwari.—2/1, peji 7.
◻ Ndedzipi dziri dzimwe dzetuso nebetsero zvinobva mukutendeseka?
Mugariro wechivimbo noruvimbo unokudziridzwa, uchitungamirira kuzvimiro zvakanaka noukama. Kutendeseka kunogoverawo hana yakachena, uye kunopa rugare rwendangariro, zvokuti munhu anogona kutarisana navamwe pasina kutya kukwenudzwa. (VaHebheru 9:14; 1 Timotio 1:19)—2/15, peji 7.
◻ Mwari wamasimba ose anonzwa ndokupindura minyengetero yavanaani?
Jehovha anonzwa minyengetero inopiwa kwaari kupfurikidza nomukoto wakarurama, Jesu Kristu; mumutoo wakarurama, uye nechimiro chakarurama chendangariro nomwoyo. Mwari anopindura minyengetero yakadaro mukuwirirana nokuda kwake kwoumwari uye panguva yake yakasarudzwa.—3/15, peji 7.
◻ Ndichinoitikai chinokosha chakaitika mugore rechi 20 rokutonga kwaMambo Artashasta (455 P.N.V.)?
Mvumo yakapiwa Nehemia yokudzokera ndokuvakazve Jerusarema namasvingo aro. Uyu murairo wakanga uri mavambo a“mavhiki ana makumi manomwe” amakore ouporofita hwaDhanieri, kunongedzera mberi kukuonekwa kwaJesu sa“Mesia Mutungamiriri” panguva mugore ra 29 N.V. (Dhanieri 9:24, 25, NW; Nehemia 1:1; 2:1-9)—3/15, mapeji 28, 29.
◻ Zvinetso zvemhuri zvinotarisirwa zvakanakisisa sei?
Murudo, nokuti Bhaibheri rinopa zano, “Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.” Uyewo, “Rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.” (1 VaKorinte 16:14; 1 Petro 4:8) Urwo runofanira kuva rudo rukuru runodisa kufuratira kusakwana kwemimwe mitezo yemhuri iyo neimwe nzira ingashatirisa munhu.—4/1, mapeji 6, 7.