Musangano Wegore Negore—October 1, 1988
MUSANGANO WEGORE NEGORE wemitezo yeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania uchaitwa pana October 1, 1988, paAssembly Hall of Jehovah’s Witnesses, 2932 Kennedy Boulevard, Jersey City, New Jersey. Musangano wokutanga wemitezo bedzi uchaitwa pa 9:30 a.m., uchiteverwa nomusangano wegore negore wavose pa 10:00 a.m.
Mitezo yeCorporation inofanira kuzivisa Hofisi yoMunyori zvino nezvechinjo ipi neipi mukero dzavo mukati megore rapfuura kuitira kuti tsamba dzenguva dzose dzeziviso namagwaro dzinopa mumwe munhu chiremera chokukuvhotera dzigogona kuvasvika nokukurumidza pashure paAugust 15.
Magwaro anopa mumwe munhu chiremera chokukuvhotera, ayo achatumirwa kumitezo pamwe chete neziviso yomusangano wegore negore, anofanira kudzorerwa kuti asvike Hofisi yoMunyori weSosaiti pasati pari pashure paSeptember 1. Mutezo mumwe nomumwe unofanira kuzadza ndokudzorera rugwaro rwake runopa mumwe munhu chiremera chokumuvhotera nokukurumidza, uchitaura kana iye pachake achizova pamusangano kana kuti kwete. Mashoko anopiwa parugwaro rumwe norumwe runopa mumwe munhu chiremera chokukuvhotera anofanira kuva akajeka pairi pfundo, sezvo achavimbwa nawo mukuziva achavapo.
Kunokarirwa kuti rusando rwose kubatanidza musangano webhizimisi nemishumo zvichapedzwa panosvika 1:00 p.m. kana kuti nokukurumidza pashure paikoko. Hakusati kuchizova norusando rwamasikati. Nemhaka yenzvimbo yakaganhurirwa, kupinda kuchaitwa kupfurikidza netikiti bedzi. Hakuna gadziriro dzichaitwa dzokubatanidza musangano wegore negore norunhare nedzimwe nzvimbo.