Upenyu hwaJesu Noushumiri
Nhau Yenhaka
VANHU sezviri pachena vanoziva kuti Jesu ave achidya paimba yomuFarise. Naizvozvo ivo vanoungana panze muzviuru uye vari kumirira apo Jesu anobuda. Kusafanana navaFarise vanoshora Jesu ndokuedza kumubata mukutaura chimwe chinhu chakaipa, vanhu vanomuteerera nokudisa nokuonga.
Achitanga kutendeukira kuvadzidzi vake, Jesu anoti: “Chenjerai mbiriso yavaFarise, ndiko kunyengera.” Sezvakaratidzirwa mukati mezvokudya, sangano rose rorudzidziso ravaFarise rakazadzwa nounyengeri. Asi kunyange zvazvo uipi hwavaFarise hungavanzwa nokuratidzirwa kwoutsvene, pakupedzisira hucharatidzirwa. “Hakune chinhu chakafukidzwa,” Jesu anodaro, “chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozivikanwi.”
Jesu anopfuurira kudzokorora kurudziro yaakanga apa kuvane 12 apo akavatuma parwendo rwokuparidzira rweGarirea. Iye anoti: “Musatya vanouraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvoizvo.” Sezvo Mwari asingakanganwi kunyange shiri duku imwe, Jesu anovimbisa vateveri vake kuti Mwari haasati achizovakanganwa. Iye anoti: “Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru, . . . [mudzimu mutsvene, (NW)] uchakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.”
Mumwe munhu anobva muboka anotaura. “Mudzidzisi,” iye anokumbira, “udzai munun’una wangu kuti agovane nhaka neni.” Mutemo waMosesi unoraira kuti mwanakomana wedangwe anofanira kugamuchira mativi maviri enhaka, naizvozvo hapafaniri kuva nechikonzero chegakava. Asi munhu wacho sezviri pachena anoda unopfuura mugove wake wapamutemo wenhaka.
Jesu anoramba nenzira yakafanira kubatanidzwa. “Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?” iye anobvunza kudaro. Iye ipapo anopa iyi pangiro inokosha kuboka: “Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hauzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.” Hungu, hazvinei hazvo nokuti munhu angasvika pakuva nezvakawanda sei, kazhinji kazhinji achafa ndokuzvisiya zvose. Kuti asimbise iri idi, pamwe chete nokuratidza ubenzi hwokukundikana kuvaka mukurumbira wakanaka naMwari, Jesu anoshandisa muenzanisiro. Iye anotsanangura, kuti:
“Nyika yomumwe mupfumi yakanga yabereka kwazvo; akafunga mumwoyo make, akati: ‘Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingaunganidzira zvibereko zvangu.’ Akati: ‘Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichaunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka, ndigoti kumweya wangu: “Mweya, une zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; zorora, udye, unwe, ufare.”’ Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, nousiku uhu vachakutorera mweya wako; izvo zvawakagadzira, zvichagova zvaani?’”
Mumhedziso, Jesu anoti: “Ndizvo zvakaita munhu anozviunganidzira pfuma, asingapfumi kuna Mwari.” Nepo vadzidzi vangasapinzwa mumusungo noupenzi hwokuunganidza pfuma, ivo vangasatana kutsauswa pakubatira Jehovha nomwoyo wose nefunganyo dzezuva nezuva dzoupenyu. Naizvozvo Jesu anoshandisa nguva yacho kudzokorora zano rakaisvonaka raakanga apa rinenge gore rimwe nehafu pamberi pezvi muMharidzo yapaGomo. Achitendeukira kuvadzidzi vake, iye anoti:
“Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei? . . . Fungai makunguwo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari unoapa zvokudya. . . . Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: “Kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. . . .
“Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchanwa; musazvidya mwoyo. Nokuti zvinhu izvozvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi. Asi tsvakai ushe hwavo, naizvozvo, zvose muchazviwedzerwa.”
Zvikurukuru mukati menguva dzenhamo yemari mashoko aJesu anoda kusanorangarira. Munhu anova anonyanyoitira hanya pamusoro pezvinodikanwa zvokunyama uye anovamba kuderera muzvirondwa zvomudzimu, chaizvoizvo, ari kuratidzira kushaikwa kwokutenda musimba raMwari rokugovera vabatiri Vake. Ruka 12:1-31; Dheuteronomio 21:17.
◆ Neiko, zvichida, munhu wacho achibvunza pamusoro penhaka, uye ipangiroi iyo Jesu anopa?
◆ Muenzanisiroi unoshandisa Jesu, uye chii chakanga chiri pfundo rawo?
◆ Izanoi rakadzokorora Jesu, uye neiko rakanga rakakodzera nokuda kwenguva ino?