Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Masayendisiti anotaura kuti dzimwe nyeredzi dzinotsva kana kuti kuputika, naizvozvo neiko Isaya 40:26 ichitaura kuti “hakuna nechimwe [nyeredzi] chinoshaikwa”?
Jehovha pano haasi kukurukura kana iye achibvumidza nyeredzi kunyangarika. Iye ari kusimbisa ukuru hwouchenjeri hwake namano.
Kuna Mambo Hezekia muporofita Isaya akaendesa nyevero yaMwari yokuti vaBhabhironi vaipinza vaJudha muutapwa. (Isaya 39:5-7) Ko vaBhabhironi vaizokwanisa here kuchengeta vanhu vaMwari kusvikira kunguva isingazivikanwi? Aiwa. Jehovha haana kungoronga bedzi kuvasunungura pashure pamakore 70 asi aizokuita. Hakuna chinhu chaizodzivisa Uyo anogona ‘kuyera mvura muruoko rwake nokuyera matenga nechanza zvacho.’ Iye haasati aizofanira kubvunza munhu upi noupi, nokuti “marudzi avanhu akaita sedonhwe remvura muchirongo” kwaari. (Isaya 40:12-17) Kusimbisa simba rake rinokatyamadza, Jehovha akaonesa mano ake anooneka muchisiko, icho Hezekia akanga abvuma kare. (Isaya 37:16, 17) Mwari akazivisa, kuti:
“‘Ko zvino mungandifananidza naani, kuti ndienzane naye?’ ndizvo zvinotaura Mutsvene. ‘Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.’”—Isaya 40:25, 26.
Masayendisiti anofungidzira kuti kune zviuru zvamamirioni zvenyeredzi zviri muGwara redu reNzou, uye kune makwara enzou ane chiuru chine zana chamamirioni. Bva, Mwari anoziva nyeredzi imwe neimwe nezita, ringava zita reimwe neimwe kana kuti chiratidzo chakafanana nezita, zvichida mumutauro woumwari. Iye anodzora mugariro wadzo. Kufanana nomutungamiriri wehondo anokwanisa kuunganidza mauto, Jehovha aigona kudana nyeredzi kuti dziungane. Kudai iye akaita saizvozvo, hakuna neimwe yaizova ichi“shaikwa.” Achiziva mugariro wenyeredzi imwe neimwe, kunyange kana dzimwe dzadzo dzichisvika kumugumo womusikirwo, hakushamisi kuUyo anoziva zvose zviri kuitika.—Enzanisa naIsaya 34:16.
Vazivi vemitumbi yomudenga nenyanzvi dzephysics vanofunga kuti nyeredzi dzinotsva kana kuti kuputika. MuRed Giants and White Dwarfs, Robert Jastrow anorondedzera kuti ikoku kungaitika sei: “Mukati . . . menyeredzi nhevedzano yechinjo dzenyukireya yakatanga, umo zvimwe zvinhu zvose zvechisiko chapose pose zvakaitwa zvichibva muchinhu chimwe chikuru, hydrogen. Pakupedzisira idzi chinjo dzenyukireya dzakaguma, uye upenyu hwenyeredzi hwakasvika pamugumo. Yanyimwa manyuko ayo esimba renyukireya, yakawa musimba rayo imene, uye mumuuyo wokuwa kuputika kwakaitika, kuchiendesa kuchadenga zvinhu zvose zvakanga zvasikwa mukati menyeredzi nomukati menduramo yayo.”
Sezvinofungidzirwa dzimwe nyeredzi, dzichipedza hydrogen yadzo, dzinochinja kuva red giants (nyeredzi hombe dzinobudisa chiedza chitsvuku) uye ipapo kuva white dwarfs (nyeredzi duku dzinojeka zvikuru) kana kuti nyeredzi dzinowedzera kamwe kamwe zvikuru kwazvo murujeko, dzimwe pakupedzisira dzichiguma senyeredzi dzeneutron kana kuti, sezvinorondedzerwa, mwena mitema.
Nepo tsananguro dzakadaro dzichigamuchirwa zvikuru, shoko rokupedzisira ringave risina kunzwiwa; zvakawanda zvingadzidzwa. Rangarira, somuenzaniso, mapfundo anoitwa muThe New York Times yaJanuary 24, 1989: “Masayendisiti anodavira kuti ava kusvika pazviwanwa zvikuru pamusoro pe‘dark ages’ dzechisiko chapose pose, nhambo yakakomba inovambira pamaminiti matatu pashure penguva ine ngozi yechisiko kutozosvikira pakuoneka kwamakwara enzou mahombe. . . . Noufakazi hwakananga huduku kwazvo, mavambo omugadzirirwo anoita kuti masayendisiti akatyamadzwe chose chose. James S. Trefil, nyanzvi yephysics paGeorge Mason University muFairfax, Va., akanyora, kuti: ‘Chinetso nokutsanangura kuvapo kwamakwara enzou chakabvumikisa kuva chimwe chezvinotambudza zvikurusa musayenzi yechisiko nokukura kwechisiko chapose pose. Namaruramiro ose, haambofaniri zvawo kuvako, bva ariko.’”
Nyaya yacho yakakurukura chingave chakaitika mukati me“maminiti matatu okutanga,” sezvakatsanangurwa naDr. John Mather, nyanzvi yoruzivo rwemitumbi yomudenga ine chokuita nephysics nekemesitiri. Bva, tinorava, kuti: “Dr. Mather, achinzwa nyongano inokura yomubvunzurudzi, akadzongonyedza nhau yake youdzame hwechisiko hunowanzogamuchirwa kuti, ‘Chokwadika, tiri kuita kwose ikoku,’ achireva kuti kurondedzerwa kwerondedzerwo dzakavakirwa pafungidziro.”
Hungu, masayendisiti avanhu akaganhurirwa zvikuru pamusoro peizvo anoziva chaizvoizvo uye anogona kuziva. Kwakasiana sei, kunyanguvezvo, noMusiki. Zivo yake nesimba guru zvamazvirokwazvo zvakafanirwa norutyo rwedu. Wezvamapisarema akati nomazvo: “Unotara kuwanda kwenyeredzi; unodzipa dzose mazita adzo. Ishe wedu mukuru, une simba guru; njere dzake hadziperi. . . . Hareruya!”—Pisarema 147:4, 5, 20.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
NASA photo