RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 6/1 p. 29
  • Kupupurira Kwamasanga Kunobereka Zvibereko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupupurira Kwamasanga Kunobereka Zvibereko
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Taura Pamsoro Pembiri Youmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Wagadzirira Here Kupupurira Zvisina Kurongwa?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Unogona Kuparidza Zvisina Kurongwa!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Rumbidza Jehovha Zuva Nezuva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 6/1 p. 29

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Kupupurira Kwamasanga Kunobereka Zvibereko

JESU akatanga kurukurirano iyo yakatungamirira kuuchapupu hwamasanga asi hunobudirira zvikuru apo akati kumukadzi weSamaria patsime: “Ndipewo chokunwa.” (Johane 4:7, NW) Isu nhasi tinogona nenzira yakafanana kuva vanobudirira zvikuru kana takasvinurira mabanza ose okupupurira kwamasanga. Imwe hama muAustralia yakatanga kurukurirano yamasanga kupfurikidza nokurava rugwaro rwezuva nezuva iri pabheji romupaka. Murume anodisa kuziva akacherekedza chinyorwa ndokutaura kuti akanga achifarirawo Magwaro. Iye akanga ari muKaturike asingashingairi uyo akanga adzidziswa mhindumupindu muchikoro cheKaturike uye zvino akanga asingazivi chokudavira. Hama yacho yakaronga kuwana bhuku raLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? nokuda kwake.a Mazuva maviri gare gare akaendesa bhuku racho kunzvimbo yebasa yomurume wacho, ndokunzwa kuti akanga asipo. Munyori wake akadokubvuta bhuku racho, achiti: “Tave tiri kumirira bhuku iri.”

Maawa maviri gare gare hama yacho yakatambira runhare rwaibva kumurume wacho achikumbira mamwe makopi maviri ebhuku raCreation uye achikumbira Chapupu kumushanyira muhofisi yake. Apo hama yakaenda kuhofisi iyoyo, yakawana murume wacho navamwe vaviri varipo. Fundo yeBhaibheri yakatangwa navo, kubatanidza munyori, uye kwakarongwa kuti hama yacho ishanye kaviri pavhiki. Mumavhiki emberi, shamwarisikana yomurume wacho, ‘muKristu akaberekwazve,’ yakaramba ichitumira tsamba ichibvunza mibvunzo yeBhaibheri. Pakupedzisira, akakumbanira fundo, sezvakaita mukutsirani webhizimisi womurume wacho neshamwari yake, uyo akanga ari wezvemhindumupindu.

Vakapfuuridzira fundo dzavo dzeBhaibheri nguva dzose kwemwedzi mishanu, fundo yechipiri vhiki rimwe nerimwe ichiitiswa mupaka. Ipapo shamwarikomana yomunyori yakakumbanira boka refundo. Nokukurumidza pashure, mukutsirani womurume wokutanga neshamwari yake vakatamira kuIdaho muUnited States, uko vakapfuurira kufunda. Mavhiki mashomanene gare gare, murume wokutanga akasvikwa nomuenzi chaiye, uyo akabvunza chakanga chaitika kukurukurirano dzeBhaibheri mupaka. Sezvinooneka, akanga ave achiteerera fundo dzavo. Gadziriro dzakaitwa dzokuti afundewo.

Chii chakava muuyo waikoku kwose? Mwedzi gumi nemisere kubvira paonano yapakuvamba mupaka, murume wokutanga neshamwarisikana yake, aichimbova ‘muKristu akaberekwazve,’ vakanga varoorana uye vabhapatidzwa. Munyori neshamwarikomana yake vakarooranawo uye vakabhapatidzwa. Mukutsirani webhizimisi neshamwari yake avo vakaenda kuUnited States vakabhapatidzwa, uye mumwe wavo zvino anobatira nguva dzose sapiona webetsero. Uyo akateerera kurukurirano dzeBhaibheri mupaka akapfuuridzira fundo dzake. Ipapo akatamira kuIreland, uye aitarira mberi kukubhapatidzwa nokukurumidza!

Ikoku kwose kwakaitika nemhaka yokuti hama yakasanoshandisa tindiko yayo yezvokudya zvamasikati kuita uchapupu hwamasanga, uye Jehovha akakomborera nhamburiko dzayo. Nenzira yakafanana ngatishandisei banza riri rose kuparidzira mashoko akanaka kuna avo vane nzara yeshoko roUmambo hwaJehovha!

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe