RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/1 p. 7
  • ‛Mitumbi Mizhinji Yavatsvene Yakamutswa’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‛Mitumbi Mizhinji Yavatsvene Yakamutswa’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Tariro Yokumuka ine Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Rufu Rwuchaparadzwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Kumutswa Kwevakafa—Kuchatoitika!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Rumuko
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/1 p. 7

‛Mitumbi Mizhinji Yavatsvene Yakamutswa’

“PASI rakadengenyeka, uye ruware rwakatsemuka. Uye makuva echirangaridzo akazarurwa uye mitumbi mizhinji yavatsvene yakanga yavata yakamutswa, (uye vanhu, vaibuda vachibva pakati pamakuva echirangaridzo pashure pokumutswa kwake, vakapinda muguta dzvene,) uye iyo yakaoneka kuvanhu vazhinji.” (Mateo 27:51-53, NW) Nyanzvi yeKaturike Karl Staab inodana ichi chinoitika chakaitika parufu rwaJesu kuti “chakavanzika zvikurusa.” Chii chakaitika?

Epiphanius namamwe Madzibaba eChechi apakuvamba vakadzidzisa kuti vatsvene vakava vapenyu chaizvoizvo ndokuenda naJesu akamutswa kudenga. Augustine, Theophylactus, uye Zigabenus vakadavira kuti ava vakafa vakagamuchira rumuko rwechinguvana asi gare gare vakadzokera kumakuva avo. Murangariro wapashure, zvisinei, “hauna kuwana zivikanwo yakafara,” inotsinhira kudaro nyanzvi Erich Fascher. Pakushandura Mateo 27:52, 53, shanduro dzeBhaibheri dzakawanda dzazvino uno dzinopa murangariro wokuti rumuko rwakaitika. Hakuna kudaro neNew World Translation, iyo inonongedzera kumiuyo yokudengenyeka kwapasi. Neiko?

Kutanga, vapi kana vapi vakanga vari “vatsvene,” Mateo haana kutaura kuti ivo vakamutswa. Iye akati mitumbi yavo, kana kuti zvitunha, zvakamutswa. Kechipiri, iye haana kutaura kuti iyi mitumbu yakava mipenyu. Iye akati yakamutswa, uye chiito chechiGiriki e·geiʹro, chinoreva “kumutsa,” nguva dzose hachinongedzeri kurumuko. Icho chinogona, pakati pezvimwe zvinhu, kurevawo “kubudisa” mugomba kana kuti “kusimuka” kubva pasi. (Mateo 12:11; 17:7; Ruka 1:69) Dengenyeko yaparufu rwaJesu yakazarura makuva, ichikandira mitumbi isina upenyu pachena. Kuitika kwakadaro mukati mokudengenyeka kwapasi kwakashumwa muzana rechipiri ramakore N.V. nomunyori wechiGiriki Aelius Aristides uye zvikuru misi ichangobva kupfuura iyi, muna 1962, muColombia.

Uyu murangariro wechinoitika unotsinhirana nedzidziso dzeBhaibheri. Muna 1 VaKorinte ganhuro 15, muapostora Pauro anopa chitendiso chinopwisa chorumuko, asi iye anofuratira chose chose Mateo 27:52, 53. Ndizvo zvinoitawo vamwe vanyori vose veBhaibheri. (Mabasa 2:32, 34) Zvitunha zvakamutswa parufu rwaJesu zvaisagona kuva zvakava zvipenyu nenzira yakafunga nayo Epiphanius, nokuti pazuva rechitatu pashure paizvozvo, Jesu akava “dangwe muna vakafa.” (VaKorose 1:18) MaKristu akazodzwa, anonziwo “vatsvene,” akapikirwa mugove murumuko rwokutanga mukati mokuvapo kwaKristu, kwete kwomuzana rokutanga ramakore.—1 VaTesaronika 3:13; 4:14-17.

Vatsinhiri vazhinjisa veBhaibheri vane chitambudzo mukutsanangura Mat. 27 ndima 53, kunyange zvazvo vanoverengeka vavo vachikarakadza kuti Mat. 27 ndima 52 inorondedzera kuzarurwa kwamakuva nokudengenyeka kwapasi nokuratidzwa kwezvitunha zvakanga zvichangobva kuvigwa. Somuenzaniso, nyanzvi yeGermany Theobald Daechsel inopa shanduro inotevera: “Uye makuva akazaruka, uye zvitunha zvizhinji zvavatsvene zvakanga zvakazorora zvakasimudzwa.”

Ndivanaani ivava avo “vakapinda muguta dzvene” nguva yakati gare gare, ndiko kuti pashure pokunge Jesu amutswa? Sezvaonwa pamusoro apa, mitumbi yakaratidzirwa yakaramba isina upenyu, naizvozvo Mateo anofanira kunongedzera kuvanhu vakashanyira makuva ndokuunza mashoko echinoitika chacho muJerusarema. Nokudaro, kushandura kweNew World Translation kunodzamisa nzwisiso yeBhaibheri uye hakuvhiringidzi varavi pamusoro porumuko.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe