RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/1 p. 15
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • “Anofara Munhu Awana Uchenjeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kunyaradza Vamwe Pasinei Nedambudziko Reutano
    Zvakaitika
  • Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/1 p. 15

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa

JEHOVHA ndiMwari anofara. (1 Timotio 1:11) Iye anoda kuti avo vanomubatira vafarewo. Nokudaro, kana mumwe wavabatiri vake akaora mwoyo, Jehovha achamubetsera kutsungirira marwadzo uye pane dzimwe nguva kunyange kuwanazve mudzimu unofara. Chinoitika chinotevera chakabva kuUruguay chinoenzanisira ikoku.

Imwe hanzvadzi yakanga ichimirira mukiriniki muMontevideo muuyo wenzvero yeX-ray. Mumwe mukadzi akagara parutivi pake akanga achitya zvikuru izvo chiremba angamuudza somuuyo wenzvero yaakanga aitwa. Hanzvadzi yakamuudza kuti chibviro chaapo akanga ave ari Chapupu chaJehovha, akanga asingatyi chinhu chipi nechipi. Mukadzi wacho, zvisinei, akataura kuti akanga asingadi Zvapupu nemhaka yokuti zvaikarira mupimo wakanyanyokwira kuvanhu.

Hanzvadzi ipapo yakamuudza kuti zivo yezvokwadi yeBhaibheri yakanga yamubetsera sei. Akanga arasikirwa nomwanasikana ane makore 18 okukura murufu uye akanga apinda mumugariro wokuora mwoyo kukuru kwamakore masere. Varapi vendangariro kana kuti mishonga inodhura hazvina kumubetsera kukurira uku kuora mwoyo. Nguva dzinoverengeka, iye akadaro, aipinzwa muchipatara, asi hakuna vandudziko yakavapo. Mhuri yake yakatarisirwa navabatiri nemhaka yokuti iye amene akanga asingakwanisi kutarisira chinhu chipi nechipi. Akaedza kuzviuraya nemhaka yokuti akanga arasikirwa nefariro muupenyu. Hakuna chinhu chakaratidzika kuva chinobetsera.

Ipapo, akaudza mukadzi wacho, kuti rimwe zuva Zvapupu zvaJehovha zvakashanya ndokumusiira mabhuku eBhaibheri. Ikoko kwakanyandura fariro yake muShoko raMwari, uye akavamba kurava Bhaibheri rose. Chimwe chinhu chakatanga kuchinja mukati make. Akavamba kumuka mumangwanani ndokuva nefariro mumhuri yake. Iye pakupedzisira akasarudza kutarisira imba ari oga uye akawana kuti aikwanisa kuita saizvozvo. Kwakanga kwakaita sokunge akanga asina kutongorwara! Ikoku kwakamuita kuti anzwe achifara zvikuru.

Haana kudzokera kumurapi wendangariro. Chido chake chokurarama chakanyandurwa nezivo yake yeShoko raMwari, irori rakabvumikisa kuva mushonga wakanakisisa. Akatsvaka Zvapupu zvaJehovha, uye zvakatanga fundo yenguva dzose naye. Iye akavambawo kupinda misangano, uye nokukurumidza zvikuru akabhapatidzwa. Asati achanetswa nokuora mwoyo, zvino anowana mufarwa mukubatira Jehovha.

Mukadzi aiva mukamuri rokumirira akasanoteerera. Ipapo akati kuhanzvadzi: “Kwenguva yakati, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichigura nzira yangu; asi kana pane imwe nguva munguva yemberi, ndichava zvomenemene mumwe weZvapupu zvaJehovha ndimene, kuchava nemhaka yeizvo muchangobva kundiudza. Kukuteerera kwakafanana nokutanga kuona chiedza munzvimbo ine rima.”

Vanhu vazhinji munyika yose vari kuona kusava namaturo kwokuedza kupedza zvinetso zvoupenyu vari voga, uye vari kutendeukira kuna Jehovha Mwari. Vanofara sei kuziva nezvenyika itsva iri kuuya yaMwari umo munhu ari wose achafara, uye kuora mwoyo kuchava chinhu chomunguva yakapfuura!—Zvirevo 16:20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe