Iye “Akarwa Kurwa Kwakaisvonaka”
Hama F. E. Skinner akapedza nguva yake yapasi youpenyu pana July 4, 1990. Edwin Skinner akanga ava namakore 96 okukura uye akanga abatira fariro dzoUmambo hwaJehovha nguva yakazara muIndia chifo chaJuly 1926. Iye akabhapatidzwa muEngland muna 1919. Nhau youpenyu hwake yakaoneka muNharireyomurindi yaJanuary 1, 1990. Hama Skinner akanga ari zvirokwazvo murume wokutenda netsungiriro mukumhanya kusvikira kukupedza, uye iye zvirokwazvo akawana tuso yake.—2 Timotio 4:7, 8, NW.