RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 1/15 p. 21
  • “Uyu Ndiwo Muviri Wangu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Uyu Ndiwo Muviri Wangu”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Itai Izvi Muchindiyeuka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kudya kwaShe Kwemanheru Kunoreva Zvakawanda Kwauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kudya kwaShe Kwemanheru—Chiitiko Chinokudza Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Nei Tichichengeta Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 1/15 p. 21

“Uyu Ndiwo Muviri Wangu”

“UTOREI mudye; . . . uyu ndiwo muviri wangu.” (Mateo 26:26, The New Jerusalem Bible)

Naaya mashoko, Jesu Kristu akapfuudza chingwa chisina kuviriswa kuvaapostora vake pakutanga Chirairo chaShe. Asi chii chaakareva namashoko anoti, “Uyu ndiwo muviri wangu”?

MHINDURO kuuyu mubvunzo inokosha kuvaRoma Katurike, sezvo mashoko aJesu achiumba hwaro hwedzidziso yokuva muviri neropa kwechingwa newaini. Mukuwirirana neichi chitendero, apo vaKaturike vanochengeta Misa ndokumedza chipapata, chinoshanduka kuva ropa chairoiro raKristu, kana kuti nyama. Ivo, naizvozvo, vangasabvumirana zvakasimba neNew World Translation of the Holy Scriptures, iyo inoshandura mashoko aJesu, kuti: “Torai, idyai. Ichi chinoreva muviri wangu.” Uku kushandura kunokarakadza kuti chingwa chakanga chiri chiratidzo chenyama yaJesu, kwete nyama imene. Ishanduro ipi inopa murangariro wakarurama?

Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “ndiwo” kana kuti “chinoreva” ndie·stinʹ. Iro zvikurukuru rinoreva “ndiwo,” asi rinogona kurevawo “kuratidzira, kuratidza.” Kushandura kupi kuri nani muaya mashoko akapoteredza?

Anokosha mashoko omuzasi pana Mateo 26:26 muLa Sagrada Escritura, Texto y comentario por Profesores de la Compañía de Jesús, Nuevo Testamento I yomutauro wechiSpain (Rugwaro Rutsvene, Rugwaro Netsinhiro zvakanyorwa navanaPurofesa veBoka raJesu, Testamente Itsva). Iyo inoti: ‘Shanduro yacho, mumurangariro wegirama, ingagonawo kushandurwa kuti chinoratidzira kana kuti chinofananidzira—kureva zivikanwo chaiyoiyo. Somuenzaniso umo revo iri kufananidzira, Genesi 41:26; Ezekieri 5:5; Dhanieri 7:17; Ruka 8:11; Mateo 13:38; 16:18; VaGaratia 4:24; Zvakazarurwa 1:20 dzingagona kududzwa. Revo yandiwo ([mupfungwa yo] kufanana ne) inoreviwa, sezvinogona kuonwa mumanyoro edzidziso, kusabatanidza kubvira kwokufananidzira, kana kuti fananidziro, uyewo kupfurikidza nenzira iyo Chechi Yapakuvamba yainzwisisa nayo chitsama chacho chamashoko.’

Sokuratidza nenzira yakajeka kunoita iyi shanduro yeRoma Katurike, mukuwirirana negirama mashoko aJesu aigona kunzwisiswa nenzira ipi neipi. Kutaura idi, shoko rechiGiriki e·stinʹ rinoshandurwa kuti “revo ye” mune dzimwe nzvimbo muNew Jerusalem Bible yeKaturike. (Mateo 12:7) Ishokoi iro mushanduri anofanira kusarudza pana Mateo 26:26? Sezvo Jesu akanga achiri mupenyu ari mumuviri wakakwana apo akataura mashoko orugwaro irworwo, chingwa chaakapa kuvateveri vake hachaigona kuva chaiva nyama yake chaiyoiyo. Uyezve, muviri wake wose wohunhu wakakwana wakapiwa sechibairo chorudzikinuro. (VaKorose 1:21-23) Nokudaro, kushandurwa kwakanakisisa kweiyi ndima ndouku: “Ichi chinoreva muviri wangu.” Chingwa chisina kuviriswa chakafananidzira muviri waJesu, uyo wakanga wodokubayirwa nokuda kworudzi rwomunhu.

Kunyange kana Bhaibheri rako pachako rino kutaura kwokuti “Uyu ndiwo muviri wangu,” haufaniri kuvhiringidzwa. Jesu kazhinji kazhinji aishandisa mutauro wakafanana. Paakati, “Ndini suo” uye, “Ndini muzambiringa wechokwadi,” hakuna munhu akanzwisisa kuti iye akanga ari suo chairoiro kana kuti muzambiringa chaiwoiwo. (Johane 10:7; 15:1) Uye apo, mukuwirirana neThe New Jerusalem Bible, akapfuurira kupfuudza mukombe wewaini kuvadzidzi vake ndokuti: “Mukombe uyu isungano itsva,” hakuna munhu akafunga kuti mukombe chaiwoiwo wakanga uri sungano itsva. (Ruka 22:20) Nenzira yakafanana, apo iye akataura kuti chingwa ‘chakanga’ chiri muviri wake, tinofanira kunzwisisa kuti chingwa ‘chakareva,’ kana kuti kufananidzira, muviri wake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe