Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Vana Vechikoro veNigeria Vakakomborerwa Nokuda Kwokutendeka
MUAPOSTORA Pauro akanyora, kuti: “Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18) Vana vechikoro veZvapupu zvaJehovha muNigeria vanoshandisa iri zano, kunyange apo vanotambudzwa. Somuuyo, Jehovha anovakomborera.
◻ Mumwe mudzidzisi aisada Zvapupu zvaJehovha zvikuru kwazvo. Mukati mokuungana kumwe kwamangwanani, iye akadanira Zvapupu zvose pamberi ndokuzviraira kuimba rwiyo rworudzi. Izvo zvakaramba, zvichitaura kuti zvaida kupa kuzvipira kwapoga kuna Mwari. Mudzidzisi ipapo akabudisa vose kunze ndokuvaudza kucheka uswa. Munguvayo, vamwe vadzidzi vakapfuurira nezvidzidzo zvavo.
Chapupu chikuru chakaenda nebhurocha raSchool and Jehovah’s Witnesses kumudzidzisi wacho, chichitsanangura chimiro chokusatora rutivi cheZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, mudzidzisi akaramba kukurukura nhau yacho kana kugamuchira bhurocha. Kutaura idi, iye nokukurumidza akasimbisa chirango chavana.
Zvapupu zviduku zvakapfuurira kutsungirira ichi chirango ndokupfuurira kucheka uswa kunyange apo mudzidzisi akanga asipo. Rimwe zuva mudzidzisi akavanda ndokuzvitarira asingacherechedzwi sezvo zvakapfuurira kushanda nokuimba nziyo dzoUmambo. Iye akaororwa kwazvo zvokuti akazvidzorera kukirasi, achitaura shamisiko pachimiro chazvo chendangariro. Chii chakanga chiri muuyo? Mudzidzisi wacho zvino ari kuva nefundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha!
Zvamazvirokwazvo ava vana vechikoro vakakomborerwa nokuda kwokutendeka kwavo kuna Jehovha nenheyo dzake.—Zvirevo 10:22.
◻ Ruth neshamwari dzake vakakomborerwawo nokuda kwokutendeka kwavo kuchinodikanwa chaJehovha chokuva “vasiri rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Ruth, uyo ane makore 18, akatanga kupayona apo akanga ane makore 12. Iye nezvimwe Zvapupu vakagamuchira chishoro chakabva kumitezo yavashandi vapachikoro nemhaka yokuramba kuimba rwiyo rworudzi. Mumwe mudzidzisi akakumbira kuona vabereki vavasikana. Pashure pokunge vapa tsananguro, vachishandisa bhurocha raSchool, mudzidzisi akagutswa ndokusapazve vadzidzi nhamo.
Rimwe zuva, zvisinei, mumwe mudzidzisi wokuIndia akanyomba ndokuranga mumwe wavasikana pamberi pekirasi apo musikana wacho asina kuimba rwiyo rworudzi. Musikana wacho akadzivirira noushingi kutenda kwake uye mudzidzisi akamuendesa kundoona mukuru wechikoro. Apo vakasvika ikoko, Chapupu chiduku chakawana kuti mutevedzeri womukuru akanga aripowo. Zvikuru kushamisiko yake, mukuru wechikoro nomutevedzeri womukuru vakatanga kuseka. Achitendeukira kumudzidzisi, mukuru akati: “Amai, musazvinetsa mumene pamusoro paava vasikana. Kunyange kana mukafanira kuvauraya, vangasva havo vafa pane kuimba rwiyo rworudzi. Hamusati manzwa here pamusoro pavo?” Iye nomubatsiri wake ipapo vakataura nezvokutenda noushingi zveZvapupu zvaJehovha. Achitaura kumusikana, mukuru akataura kuti iye akanga ane urombo nokuda kwekwenudzo yakatamburwa. Iye ipapo akawedzera, kuti: “Pfuurira mumabasa ako okutenda. Ndinoyemura rudzidziso rwako nechimiro chako choushingi mose muri muviri kunze nomuno muchikoro.” Gare gare, mudzidzisi akanga achishora akakumbira ruregerero kuChapupu, achitaura kuti iye zvino anonzwisisa chimiro chokusatora rutivi chinotorwa neZvapupu.
Ava vana vakatevera muenzaniso wavaHebheru vatatu vasati vaizopunza perero yavo kuna Mwari kupfurikidza nokukotamira mufananidzo, uyewo waDhanieri, uyo akaramba kurega kunyengetera kuna Jehovha. Ava varume vakakomborerwa naJehovha nemhaka yokuti vakanga vakatendeka kumitemo yakarurama yaMwari.—Dhanieri, ganhuro 3 ne 6.