Chinoitika Chinokosha Zvikurusa Munhau
Neiko? Chinoitika chacho rwakanga rwuri rufu rwaJesu Kristu.
Rwakabatira kureverera uchangamire hwaMwari ndokubvumikisa kuti munhu aigona kuchengeta perero yakakwana kuna Mwari. Rwakazarurira rudzi rwomunhu kariro yokuwana upenyu husingaperi mumigariro yeparadhiso. Jesu amene akavamba chirangaridzo chorufu rwake pausiku asati afa.
Chakanga chiri chinoitika chakapfava. Mukati macho, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Rambai muchiita ikoku mukundirangarira.” (Ruka 22:19, 20, NW) Uchayeuka here? Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka kuzvikumbanira mukuchengeta ichi chinoitika chinokosha zvikurusa munhau. Gore rino musi wacho Chipiri, April 6, pashure pokuvira kwezuva.
Tapota nzvera paHoro yoUmambo iri pedyo newe nokuda kwenguva nenzvimbo chaizvoizvo. Hapana mipiro ichatorwa, uye vashanyi vanokumbirwa kuteerera hurukuro inoraidza ndokucherechedza miitiro yakapfava.