Vazivisi voUmambo Vanoshuma
“Bata Basa Romuevhangeri”
KUVA muevhangeri kunoreveyi? Shoko racho ishanduro yeshoko rechiGiriki eu·ag·ge·li·stesʹ, iro rakasanobatana neshoko rokuti eu·ag·geʹli·on, kureva “mashoko akanaka.” Nokudaro, muevhangeri muparidzi, kana kuti nhume, yamashoko akanaka.
VaKristu vose vechokwadi vaevhangeri nemhaka yokuti vanozivisa mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari. Nenzira yakakodzera, muapostora Pauro akakurudzira Timotio ku“bata basa romuevhangeri.” Timotio akanga achifanira kurangarira iri basa zvakakomba. Pauro akamukurudzira ku‘chengeta pfungwa dzake muzvinhu zvose’ uye ku‘ita ushumiri hwake zvizere.’—2 Timotio 4:5.
Savaevhangeri isuwo tinorangarira ushumiri hwedu zvakakomba ndoku‘chengeta pfungwa dzedu,’ kana kuti kuramba takangwarira kugoverana mashoko akanaka pamukana uri wose. Vazhinji nokudaro vakasvika pakuziva Jehovha nezvipikirwa zvake pashure pokunge vawanwa neZvapupu zvaJehovha mumamiriro ezvinhu asina kurongwa. Ikoku ndiko kwakaitika kuna Seymore, mumwe murume muBarbados.
Seymore akanga ari mudzidzisi wechimwe chikoro chehurumende. Charles, mudzidzisi wenguva isina kuzara muchikoro chimwe chetecho uye mumwe weZvapupu zvaJehovha, akanga ari muevhangeri akangwarira. Akanga ari mushumiri wenguva yakazara, kana kuti piyona, uye aishandisa mukana uri wose kugoverana mashoko akanaka navamwe. Seymore akanzwa shoko roUmambo kwenguva yokutanga kupfurikidza nokupupura kwaCharles kusina kurongwa.
Nokukurumidza Seymorewo akanga atsunga kugoverana zvokwadi dzeBhaibheri navakawanda savanobvira. Naizvozvo akatanga kurukurirano dzisina kurongwa navanhu kunzvimbo yake yebasa, zvikurukuru vadzidzi vake. Kunyange zvazvo mune dzimwe nyika rudzidziso rusingafaniri kuva muzvikoro zvehurumende, murume uyu akapiwa basa rokudzidzisa mipimo yorudzidziso neyetsika. Asi zvino mirangariro yaSeymore yekare panhau idzi yakanga yatsiviwa nezivo yake yeBhaibheri ichangobva kuwanwa. Mukati menhambo dzokuzorora, aitaura kuvadzidziswa vake pamusoro pechipikirwa chaMwari chenyika itsva uye kariro youpenyu husingaperi.
Vana vacho vakaita sei? Vazhinji vakaratidzira fariro yechokwadi mumashoko akanaka oUmambo hwaJehovha. Pashure penguva yakati, Seymore akavamba kuitisa fundo dzeBhaibheri vadzidzi vake 13. Fariro yavo yakanga iri huru kwazvo zvokuti vakaronga kufunda Bhaibheri kaviri pavhiki. Pakupedzisira vazhinjisa vavo vakavamba kupinda misangano yechiKristu paHoro yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Kusvikira parizvino vapfumbamwe vavo vakava Zvapupu zvaJehovha zvakazvitsaurira ndokubhapatidzwa. Kana ari Seymore, zvino anoita ushumiri hwake zvizere kupfurikidza nokubatira sapiyona wenguva dzose uye mukuru muimwe yeungano dzeZvapupu zvaJehovha muBarbados.
Uyu unongova muenzaniso mumwe chete wenzira iyo Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvino‘ita [nayo] basa ravaevhangeri,’ murutivi kupfurikidza nokugoverana mukupupura kusina kurongwa. Zvinotevera zano reBhaibheri rinowanwa pana VaKorose 4:5, 6, iro rinoti: “Fambai nokuchenjera kuna vari kunze, muchingwarira nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.”