RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 3/15 p. 24
  • Kukurira Pomero Dzenhema muFrance

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurira Pomero Dzenhema muFrance
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 3/15 p. 24

Kukurira Pomero Dzenhema muFrance

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA muFrance nguva pfupi yapfuura zvaiva chipfuro chepomero zhinji dzenhema. Zvichishandisa zviitiko zvine ngwavaira zvinobatanidza masekete orudzidziso muEurope neJapan, zvinobudisa nhau zvakaparadzira mashoko akavhiringidzwa pamusoro peZvapupu. Zvakaratidzirwa zvisina kururama serimwe ramasekete makurusa neanengozi zvikurusa.

Munhamburiko yokururamisa zvinhu, Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa turakiti raipindura mibvunzo yakadai seiyi: Zvapupu zvaJehovha ndivanaani? VaKristu here? Zvinobvuma kurapwa here? Nei zvichienda pasuo nesuo? Basa razvo rinowanirwa sei mari? Zvapupu zvaJehovha zvinobetsera sei nzanga?

Turakiti rinorayiridza mumutauro wechiFrench rakanga rine musoro unoti Zvapupu zvaJehovha—Chaunofanira Kuziva. Kuitira kuti turakiti racho risiyirwe vanhu vakawanda savanobvira, nhimbe yakarongwa. Kubvira pana May 13 kusvikira kuna June 9, 1996, makopi anopfuura mamiriyoni mapfumbamwe akaparadzirwa.

Turakiti irori rakaorora vazhinji, kubatanidza vakuru vakuru vehurumende. “Kutsoropodza kwakanangidzirwa paZvapupu zvaJehovha kunonditsamwisa zvikuru,” wakanyora kudaro mumwe mutezo wekanzuru yomunzvimbomo pashure pokurava turakiti racho. “Nguva nenguva ndakasvika pakunzwisisa basa renyu romutsa uye risiri roudyire.” Mukuita chimwe chinhu kuturakiti racho, mumwe mutezo weParamende yeEurope wakanyora kuti: “Ruzhinji rwevanhu rwunonyatsoziva zvikuru kutaura musiyano uripo pakati peboka ravaKristu ramuri rutivi rwaro nemasekete.”

MuBrittany chimwe Chapupu chakapa turakiti racho kumuprista, uyo akarigamuchira nokudisa. “Ndinokurumbidzai nokuda kwezvamuri kuita,” muprista wacho akadaro. Ipapo akawedzera kuti: “Ndinokurudzira vomuruwa rwangu kukupinzai mumisha yavo uye kukupai kapu yekofi. Munotogona kuudza avo munosangana navo kuti mave muri kumusha kwangu. Ndinodawo kukuudzai kuti ndinoonga kurava zvinyorwa zvenyu.”

Pashure pokugamuchira turakiti racho, mumwe murume wePurotesitendi muAlsace akanyorera Watch Tower Society achikumbira fundo yeBhaibheri. “Pashure pokunge ndarasikirwa nechivimbo chose muchechi yangu,” akanyora kudaro, “ndiri kutarira mberi kumavambo matsva mumudzimu.” Pasinei zvapo nepomero dzenhema dzinoiswa pazviri padzimwe nguva, Zvapupu zvaJehovha muFrance—zvirokwazvo, mumativi ose enyika—zvinopfuurira kubetsera vanhu kusvika pazivo yakarurama yemadonzo aMwari, seanoziviswa muBhaibheri.—2 Timotio 3:16, 17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe