Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Kungagona here kutaurwa kuti nzwisiso yakawiriraniswa nemusi yenguva pfupi yapfuura yeshoko rokuti “chizvarwa” pana Mateo 24:34 (NW) inobvumira pfungwa yokuti mugumo wetsika yezvinhu ungagona kunonotswa ndokupinda munguva yemberi iri kure?
Ikoko zvirokwazvo hakuna kudaro. Mukupesana, nzwisiso yakanatswa yenguva pfupi yapfuura yeiyi nhau inofanira kutibetsera kuramba tichikarira mugumo. Kunodaro sei?
Eya, sezvakatsanangura Nharireyomurindi yaNovember 1, 1995, Jesu akashandisira kutaura kwokuti “chizvarwa ichi” kuvanhu vakaipa vanorarama panguva imwe chete. (Mateo 11:7;, 16-19; 12:39, 45; 17:14-17; Mabasa 2:5, 6, 14, 40, NW) Kwakanga kusiri, sezvakadaro, kurondedzerwa kweurefu hwenguva yakagadzwa inovamba nemusi chaiwo.
Kutaura idi, “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muchinyorwa chimwe chetecho cheNharireyomurindi chakanangidzira ngwariro pamapfundo maviri anokosha: “Chizvarwa chavanhu hachigoni kurangarirwa senhambo ine nhamba yemakore yakasarudzwa,” uye “Vanhu vechizvarwa vanorarama kwenhambo pfupi zvikuru.”
Kazhinji kazhinji tinoshandisa “chizvarwa” muiyi nzira. Somuenzaniso, tingati, ‘Varwi vechizvarwa chaNapoléon vaisaziva chinhu pamusoro pendege nemabhomba eatomu.’ Tingave tichinongedzera kuvarwi chete vakaberekwa mugore rimwe chetero chaizvo rakaberekwa Napoléon here? Tingave tichinongedzera bedzi kuvarwi vechiFrench avo vakafa Napoléon asati afa here? Chokwadika kwete; uyewo kupfurikidza nokushandisa “chizvarwa” tinenge tisingaedzi kugadza nhamba yakati yemakore. Kunyange zvakadaro, tinenge tichinongedzera kunhambo pfupi zvikuru, kwete mazana emakore kubva munguva yaNapoléon ndokupinda munguva yemberi.
Kwakafanana nenzwisiso yedu yezvakataurwa naJesu muuporofita hwake hwakapiwa paGomo reMiorivhi. Kuzadzika kwemativi akasiyana-siyana euporofita ihwohwo kunobvumikisa kuti mugumo wetsika ino wava pedyo. (Mateo 24:32, 33) Yeuka kuti maererano naZvakazarurwa 12:9, 10, nokugadzwa kweUmambo hwaMwari hwokumatenga muna 1914, Satani akakandirwa kunharaunda yepasi. Bhuku raZvakazarurwa rinowedzera kuti Satani zvino ane hasha huru. Nei? Nemhaka yokuti anoziva kuti “uchine nguva duku.”—Zvakazarurwa 12:12.
Nokudaro kwakanga kwakafanira kuti Nharireyomurindi yaNovember 1 yakanga ine musoro muduku waiti “Rindai!” Ndima yakatevera nenzira yakafanira yakati: “Hatifaniri kuziva nguva chaiyo yezviitiko. Panzvimbo pezvo, ngwariro yedu inofanira kuva pakuva vanorinda, tichisakurira kutenda kwakasimba, uye kuramba takabatikana mubasa raJehovha—kwete pakuverenga musi.” Ipapo yakanokora mashoko aJesu okuti: “Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti: Rindai!”—Marko 13:33, 37.