Kutakura Joko Muupwere
MUIDZI “nguva dzokutambudzika,” vanhu vaduku vanotarisana nedzvinyiriro dzinorema. (2 Timotio 3:1) Zuva nezuva vanorovanywa nemashoko anoparadzirwa anokurudzira unzenza, kusvuta, uye zvimwe zvimiro zvemufambiro unoparadza. Avo vanotevera mipimo yeBhaibheri vanganyombwa nokuda kwekuramba kutevedzera boka, uye vamwe Vakristu vanganzwa kuti kwaizova nyore zvikuru kutera.
Mukupera kwezana remakore rechinomwe B.C.E., Jeremia akanyora kuti: “Zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku.” (Mariro 3:27) Akarevei? Kuti kudzidza kugonana nemiedzo achiri muduku kunobetsera munhu kugadzirira kusangana nezvinetso zvekukura. Nhamo, kunyange zvazvo dzisingafadzi, hadzidzivisiki nokuda kwavose vari vaviri pwere dzeChikristu nevakura. (2 Timotio 3:12) Asi betsero dzekutendeka dzinopfuura zvikuru nyaradzo ipi neipi yechinguvana iyo kubvumirana pane zvisina kufanira kungaunza.
Kana uri pwere, tarisana nemiedzo yekutendeka nenzira yekutendeseka. Apo unoedzwa kupinda mumufambiro wakashata, ramba kubvumirana pane zvisina kufanira. Kunyange zvazvo panguva yacho kungava kwakaoma kuita izvozvi, pakupedzisira, uchava nefunganyo shoma. Jesu akapikira kuti: “Muise joko rangu pamusoro penyu . . . , kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—Mateo 11:29, 30.
Gamuchira denho yekurarama maererano nenheyo dzeBhaibheri. Kuita saizvozvo kuchakupa nzira yakanakisisa youpenyu zvino uye tariro ine chokwadi yenguva yemberi. Sezvinotaura Bhaibheri, “nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.