Nguva Dzakaoma Nokuda Kwavakwegura
MAI ONIYAN, avo vane makore 68, vanogara mune rimwe guta guru reWest Africa. Pavakanga vari muduku, vaifunga nezvokufarikanya makore avo oukweguru kana varega basa, vakapoteredzwa navana vavo navazukuru. Panzvimbo pezvo vanoswera vachitengesa mvura yokunwa inotonhora muzuva rinopisa zvikuru. Mari shoma yavanowana inovabetsera kurarama. Vanakomana vavo vaviri vanogara mune imwe nyika iri kure. Yave nguva yakareba chibviro chepavakavatumira mari.
Munguva dzapfuura, vakwegura muAfrica vaikosheswa zvikuru. Vairemekedzwa nemhaka yoruzivo rwavo rwokuzviwanira nezivo, pamwe chete nouchenjeri nenzwisiso zvazvinoparira. Vaibetsera kurera vazukuru. Vaduku vaitsvaka zano ravo netendero yavo. Vanhu vairarama maererano nezano reBhaibheri rokuti: “Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana [kana kuti chembere].”—Revhitiko 19:32.
Nguva dzachinja. Urombo, kukwira kwemitengo, kushayikwa kwebasa, uye kutama kukuru kuenda kumaguta zvakaita kuti vakwegura vakawanda vazviriritire. Mukuru mukuru weHelpAge Kenya, Camillus Were, anoti: “Tsika yokutsigira nokutarisira vakwegura iri kuramba ichifuratirwa.”
Chokwadika, kufuratirwa kwechisungo chemhuri hakusi chinhu chisingazivikanwi munyika dzeAfrica. Ichitaura nezveJapan, Guardian Weekly inoshuma kuti: “Kuzvipira kwavabereki kwaimbova chinhu chinokosha mumuitiro weJapan wetsika dzaipiwa nechiConfucian, asi kwakanyangarika nemhaka yokuchinja kubva kumaruwa kuenda kumaguta uye kusasimbiswa kwezvisungo zvemhuri: nhasi, 85 muzana yevanhu vokuJapan inofira muzvipatara kana kuti mumisha inochengeterwa vakwegura.”
Api kana api angava mamiriro ezvinhu, avo vanoda kufadza Mwari zvechokwadi vanoedza kukudza vabereki vavo. Vanoteerera zano reBhaibheri rokuti: “Kudza baba vako namai . . . kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.” (VaEfeso 6:2, 3) Kunyange zvazvo kusiri nyore nguva dzose kukudza nokutarisira vabereki vakwegura, kunogona kuunza mibayiro inofadza.