Nguva Yedu Yemberi Yakanyorwa Pachine Nguva Here?
MUKRISTU, muMuslim, muJudha, muHindu, kana kuti mutendi worumwe rudzidziso—vanhu vokutenda kwose vanova nengwavaira ndokutambudzika pamusoro payo.
Somuenzaniso, pana December 6, 1997, ngwavaira yakaipisisa yakaitika muguta reSiberia reIrkutsk. Ndege huru inotakura zvombo zvehondo yeAN-124 yakanga ichangobva kusimuka apo mainjini ayo maviri akakundikana. Ndege yacho, yakazadzwa nemafuta, yakawira muzvivako zvinogara vanhu. Marimi omoto akamedza mafurati anoverengeka, achiuraya nokukuvadza vagari vemo vakawanda vasingakwanisi kuita chinhu, kubatanidza vana vasina mhaka.
Munharaunda yeSiberia uko tsaona iyoyo yakaitika, sezvingabvira pane vanhu vane mirangariro yorudzidziso yakasiyana-siyana. Vamwe vangaratidzira kudavira chiKristu, asi vangava vachiri kugona kufunga kuti ngwavaira yacho yakanga iri mugumisiro wejambwa. Ivo nevamwe vangafunga kuti, ‘Kwakanga kuri kuda kwaMwari, uye kana avo vakaurawa vasina kufa nenzira iyi, vangadai vakafa nomumwe mutoo—rakanga riri jambwa ravo.’
Kufunga kwakadaro, kungava kuchitaurwa kana kuti kwete, kunoratidzira murangariro unozivikanwa navose mumarudzidziso akawanda kupota nyika—jambwa. Vanhu vakawanda vanodavira kuti nguva yedu yemberi, kubva pazuva rokuberekwa kwedu kusvikira pazuva rokufa kwedu, nenzira yakati yakanyorwa pachine nguva.
Kudavira jambwa kunoitwa nenzira dzakasiyana-siyana, zvichiita kuti tsananguro inobatanidza zvose ive yakaoma. Jambwa zvikurukuru rinopa pfungwa yokuti zvinhu zvose zvinoitika, zviito zvose, zviitiko zvose—zvingava zvakanaka kana kuti zvakaipa—hazvidzivisiki; zvakarongwa kuti zviitike nemhaka yokuti zvakasarudzwa pachine nguva nesimba guru, risingagoni kudzorwa nomunhu. Mufungo wakadaro unogona kuwanwa muunyanzvi hwenyeredzi, mujambwa rechiHindu nechiBuddha, pamwe chete nomuchitendero chechiKristudhomu chokufanotemerwa. Kare muBhabhironi rekare, vanhu vaidavira kuti vanamwari vaidzora jambwa nenguva yemberi kupfurikidza nechinyorwa chakanyorwa. Sezvinofungidzirwa, mwari upi noupi aidzora aya “mahwendefa enguva yemberi” aigona kusarudza majambwa avanhu, eumambo, uye kunyange avanamwari pachavo.
Vatendi vakawanda vanodavira kuti kupfurikidza nomurayiro waMwari vanhu vasati vaberekwa, Mwari anosarudza zvose zvichaitika kuvanhu, kubatanidza urefu hwoupenyu hwavo, vangava vachizova vanhurume kana kuti vanhukadzi, vapfumi kana kuti varombo, vasingafari kana kuti vanofara. Zvose izvi zvinonzi zviri mundangariro yaMwari kana kuti zvinonyorwa mune rimwe bhuku zvisati zvaitika. Nokudaro zvakarovedzeka kuti apo ngwavaira inoitika, mutendi anotaura kuti “mektoub,”—zvakanyorwa! Zvinorangarirwa kuti sezvo Mwari achiziva zvinhu zvose pachine nguva, anofanirawo kusarudza kuti ndiani achamuteerera uye ndiani asingazomuteereri. Vatendi vakawanda nokudaro vanodavira kuti kunyange munhu asati aberekwa, Mwari akatosarudza kana achawana mufaro usingaperi muParadhiso kana kuti achagamuchira kuparadzwa kusingaperi.
Ungafunga kuti izvi zvinonzwika zvikuru sechitendero chokufanotemerwa chinodzidziswa mune mamwe machechi echiKristudhomu. Mutsigiri wokutanga wechiPurotesitendi wekufanotemerwa akanga ari Muchinji wokuFrance wezana ramakore rechi16 John Calvin. Akarondedzera kufanotemerwa se“murayiro usingagumi waMwari, waakasarudza nawo zvaanoda kuita nomunhu mumwe nomumwe. Havasi vose vanosikwa mumamiriro ezvinhu akafanana, asi upenyu husingagumi hwakafanotemerwa vamwe uye kuparadzwa vamwewo.” Calvin akataurawo kuti: “Mwari haana kungofanoona bedzi kuwa kwomunhu wokutanga, uye maari kuparadzwa kwezvizvarwa zvake zvinotevera; asi akafanozvironga sechishuvo chake.”
Asi, haisi mitezo yose yorudzidziso inodzidzisa kufanotemerwa kana kuti jambwa inozvidavira somunhu oga. Vamwe vanotaura nenzira yakarurama kuti manyoro orudzidziso anodudza rusununguko rwomunhu rwokusarudza. Kutaura idi, pave pane kakavadzano huru pamusoro pezviito zvavanhu, kana zviri mugumisiro wechisarudzo chomunhu akasununguka kana kuti zvakafanosarudzwa naMwari. Vamwe, somuenzaniso, vakataura kuti munhu anofanira kusununguka kusarudza ndokuita chiito, sezvo Mwari, uyo akarurama, achiti munhu ane mhaka uye anozvidavirira nokuda kwezviito zvake. Vamwe vakataura kuti Mwari anosika mabasa omunhu asi munhu iyeye nenzira yakati “anoawana” ndokuzvidavirira nokuda kwawo. Kazhinji kazhinji, zvisinei, vakawanda vanodavira kuti zviitiko zvose, zvikuru nezviduku, muupenyu hwedu hwezuva nezuva zvakarayirwa naMwari.
Unodavirei? Mwari akatosarudza kuti nguva yako yemberi ichava yakadini here? Vanhu vane rusununguko rwokusarudza chaizvoizvo here, mano okuita zvisarudzo chaizvoizvo pamusoro penguva yavo yemberi? Nguva yedu yemberi inotsamira pazviito zvedu pachedu kusvika kumweroi? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
SEL/Sipa Press