RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 4/15 p. 32
  • “Kubvira Paucheche Hwako Wakaziva”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kubvira Paucheche Hwako Wakaziva”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 4/15 p. 32

“Kubvira Paucheche Hwako Wakaziva”

MAERERANO nokunzvera mune zvesayenzi kwenguva pfupi yapfuura, kutaura kuvacheche kunopesvedzera zvikuru kukura kweuropi hwavo, kuchitanga kufunga kwavo, kurangarira, uye kupedza zvinetso. Izvi ndizvo zvinoitika zvikurukuru mugore rokutanga roupenyu hwemwana. International Herald Tribune inoshuma kuti vamwe vanzveri zvino vanodavira kuti “nhamba yemashoko anonzwiwa nemucheche zuva rimwe nerimwe chinhu chimwe chinokosha zvikurusa chinofanozivisa ungwaru hwenguva inotevera, kubudirira muchikoro uye unyanzvi hwomunzanga.”

Mashoko anotaurwa, zvisinei, anofanira kubva kumunhu. Zvinoratidza sokuti, terevhizheni kana kuti redhiyo, hazvitsivi.

Mumwe musayendisiti wendangariro paUniversty of Washington muSeattle, U.S.A. akati: “Zvino tinoziva kuti kubatanidzwa kwendangariro kunoumbwa nokukurumidza zvikuru muupenyu uye kuti uropi hwemucheche chaizvoizvo hwakamirira zviitiko kuti huzive kuti kubatanidzwa kunoitwa sei. Hatina kuziva kutozosvikira nguva pfupi yakapfuura kuti kuitika uku kunotanga nokukurumidza sei. Somuenzaniso, vacheche vanoziva kunzwika kwemutauro wavo pavanosvika zera remwedzi mitanhatu.”

Kunzvera kunopokana nemurangariro wakapararira wokuti vana vachabudirira muungwaru kana vakangoratidzwa rudo rwakawanda. Kunosimbisawo kukosha kwevabereki mukukura kwemwana.

Izvi zvinotiyeuchidza mashoko etsamba yakafuridzirwa yemuapostora Pauro kuna Timotio: “Kubvira paucheche hwako wakadzidza Manyoro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa.” Zvingangobvira kuti manyoro matsvene, akataurwa kumucheche Timotio naamai vake vanotenda uye ambuya, akaita basa guru mukukura kwake semubatiri waMwari akatanhamara.—2 Timotio 1:5; 3:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe