RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 3/15 p. 32
  • Chinhu Chaanorasikirwa Nacho chomuNew York City

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinhu Chaanorasikirwa Nacho chomuNew York City
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 3/15 p. 32

Chinhu Chaanorasikirwa Nacho chomuNew York City

CHIRATIDZO chiri pamusoro apa chave chakaratidzwa zvinooneka pane chimwe chezvivako zvefekitari zveWatchtower Society muBrooklyn, New York, kubvira kuma1950. Vafambi, vashanyi, nevamwe vanongopfuurawo zvavo vanoyeuchidzwa kurava Bhaibheri zuva nezuva. Tsamba inotevera, yakabva kune mumwe musikana muduku Chapupu, inoratidza kushanda kwechiyeuchidzo ichi.

“Ndaikurukura newandinodzidza naye zvandaida kuzoita kana ndapedza chikoro chesekondari. Ndakatanga kutaura nezveBheteri, dzimbahwe reZvapupu zvaJehovha, uye akafara kwazvo. Akandiudza kuti akanga agara muNew York City kwoupenyu hwake hwose. Mhuri yake yakanga isingashingairi kwazvo mune zvechitendero, asi mangwanani oga oga paaitarisa panze nepahwindo, paiva nechiratidzo chaiti ‘Rava Shoko raMwari Bhaibheri Dzvene Zuva Nezuva.’ Saka mazuva ose airava Bhaibheri rake asati aenda kuchikoro.

“Atama muguta racho, akati chinhu chaanorasikirwa nacho chomuNew York City ndechokuti paanomuka, haachaoni zvakare chinomuyeuchidza kurava Bhaibheri rake. Asi nemhaka yechiratidzo chiri pachivako cheWatchtower, kurava Bhaibheri kwazova tsika, saka anopfuurira kurava Bhaibheri zuva nezuva!”

Hapana nzira ingava nani yokutanga nayo zuva inopfuura kurava chikamu cheShoko raMwari! Nokuita kudaro, pasina mubvunzo uchasvika pakuonga mashoko omuapostora Pauro anoti: “Zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa kukuita uve akachenjera nokuda kwokuponeswa nokutenda muna Kristu Jesu.”—2 Timoti 3:15-17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe