RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 4/1 pp. 3-4
  • Unozivei Nezvouroyi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unozivei Nezvouroyi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunofanira Kuziva Nezvouroyi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Chokwadi Pamusoro Pemashiripiti Nouroyi
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Zvemashiripiti Nouroyi Zvakaipa
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Madhemoni Ariko Chaizvoizvo Here?
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 4/1 pp. 3-4

Unozivei Nezvouroyi?

UROYI! Shoko iroro rinoita kuti ufungei mupfungwa dzako?

Kune vakawanda, zvinhu zvikuru zvokutenda mashura uye zvokufungidzira, zvisingadi kunyanya kufungwa nezvazvo. Kwavari, uroyi huripo chete munyika yokufungidzira—varoyi vakwegura vanenge vakapfeka mazijasi anovhara kumeso vanoisa mapapiro emiremwaremwa muzibhodho riri kufashaira, vanochinja vanhu kuva matatya, uye vanobhururuka mudenga usiku vari pazvimiti zvemitsvairo sezvavanoita chikwe-e choutsinye.

Kune vamwe, uroyi haisi nhau yomusere. Vamwe vaongorori vanoti inopfuura hafu yevagari vepasi inotenda kuti varoyi vanhu chaivo uye vanogona kupesvedzera upenyu hwevamwe. Mamiriyoni anotenda kuti uroyi hwakaipa, hune ngozi, uye hunofanira kutyiwa kwazvo. Somuenzaniso, bhuku rezvechitendero chomuAfrica rinoti: “Kutenda kushanda uye ngozi dzemashiripiti akaipa, uhambura nouroyi zvakadzika midzi kwazvo muupenyu hwomuAfrica . . . Varoyi nehambura vanhu vanovengwa kwazvo munzanga yavo. Kunyange zvino kune nzvimbo uye zvinoitika pavanorohwa nevanhu vose kusvikira vafa.”

Zvisinei, munyika dzokuMadokero, uroyi hwava chinhu chitsva chokuremekedzeka. Mabhuku, terevhizheni, uye mabhaisikopo aita zvakawanda kuderedza kutya uroyi. Nyanzvi inoongorora zvinovaraidza David Davis inoti: “Kamwe kamwe, varoyi vazova vaduku uye vave kukwezva, zvechokwadi vanokwezva. Hollywood inokurumidza kuonesa zviri kuitika. . . . Nokuita kuti varoyi vakwezve uye vanyanye kudiwa, vanogona kufarirwa nevanhu vakawanda, kusanganisira vakadzi nevana.” Hollywood inoziva kuchinja zviri kuitika zvipi nezvipi kuva zvinhu zvinopa mhindu.

Vamwe vanoti uroyi hwazova rimwe remasangano okunamata riri kukurumidza kukura muUnited States. Munyika dzose dzakapfuma, nhamba yevanhu inowedzera, yakurudzirwa nemasangano evanhukadzi uye yaodzwa mwoyo nezvitendero zvagara zviripo, iri kutsvaka kugutswa mumudzimu nemarudzi akasiyana-siyana ouroyi. Chaizvoizvo, marudzi ouroyi akawanda kwazvo zvokuti vanhu vanoitirana nharo kunyange nezvinoreva shoko rokuti “uroyi.” Zvisinei, vanozviti varoyi kakawanda vanozivikanwa nezita reWicca—rinorondedzerwa nerimwe duramazwi se“chitendero chechihedheni chakatanga kumavirazuva kweEurope chiKristu chisati chavapo ndokupinda muzana remakore rechi20 chava chitsva.”a Somugumisiro, vakawanda vanozviti vahedheni kana kuti vanamati vechihedheni chekare.

Munhau yose, varoyi vave vachivengwa, vachitambudzwa, vachirwadziswa, nokutourayiwa. Hazvishamisi kuti vanoita zvouroyi vamazuva ano vanoda kuvandudza zvavari. Mune kumwe kuongorora, varoyi vakawanda vakabvunzwa kuti ishokoi ravanenge vachida kunyanya kupa kuvanhu. Mhinduro yavo, yakapfupiswa nomuongorori anonzi Margot Adler, yaiti: “Hatina kuipa. Hatinamati Dhiyabhorosi. Hatikuvadzi kana kunyengedza vanhu. Hatina ngozi. Tinongova vanhuwo semi. Tine mhuri, mabasa, tariro, uye vavariro. Hatisi kapoka kechitendero. Hatishamisi. . . . Hamufaniri kutitya. . . Takangofanana nemi kupfuura zvamunofunga.”

Shoko iroro riri kuwedzera kugamuchirwa. Asi izvi zvinoreva here kuti hapana chikonzero chokuva nehanya nezvokuitwa kwouroyi? Ngationgororei mubvunzo iwoyo munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Shoko rechiNgezi rokuti “uroyi” rinobva mumashoko echiNgezi Chekare okuti “wicce” uye “wicca,” anoreva vanhukadzi nevanhurume vanohuita semanyorerwe azvaitwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe