RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 4/1 p. 23
  • “Munoziva Zvakawanda Zvikuru nezveBhaibheri”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Munoziva Zvakawanda Zvikuru nezveBhaibheri”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Hatisati Tiri Vatengesi veShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nemudzidzisi Wangu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndinogona Sei Kubatira Pamwe Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Vadzidzisi—Nei Tichivada?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 4/1 p. 23

Mushumo Wavazivisi Voumambo

“Munoziva Zvakawanda Zvikuru nezveBhaibheri”

APO Jesu aiva nemakore 12 akataura noushingi kuvatungamiriri vechitendero muJerusarema, “avo vose vakanga vachimuteerera vakaramba vachishamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” (Ruka 2:47) Zvakangofanana nhasi, vashumiri vaJehovha vakawanda vechiduku vanoshinga kutaura navadzidzisi vavo navavanodzidza navo nezvaMwari neBhaibheri, uye kakawanda vanowana migumisiro inogutsa.

Tiffany, ane makore 14, akanga ari mukirasi yaikurukura nezvouprofita hweBhaibheri hwemavhiki 70 emakore, hunowanika pana Dhanieri 9:24-27. Mudzidzisi wacho akataura zvinhu zvishomanana nezvendima dzacho akabva akurumidza kutaura nhau yacho zvisina kudzama.

Pakutanga, Tiffany aizengurira kusimudza ruoko rwake. “Asi nechikonzero chakati,” anodaro, “zvakandinetsa chaizvo kuti ndima dzacho dzakanga dzisina kutsanangurwa zvizere. Uye ndakazongoona ndatosimudza ruoko rwangu.” Mudzidzisi wacho akashamisika kuti mumwe munhu aitova nechimwe chinhu chokutaura panhau yacho, sezvo vakawanda vevadzidzi vacho vakanga vachinetseka kuinzwisisa.

Apiwa mukana wokutsanangura uprofita hwacho, Tiffany akasimuka ndokutaura asingatariri pakanyorwa. Paakapedza, mumba yokudzidzira makava norunyararo rukuru. Tiffany akanzwa kutya. Ipapo kirasi yacho yakatanga kuombera maoko kwenguva yakareba.

“Zvinoorora zvikuru, Tiffany, zvinoorora zvikuru,” mudzidzisi wacho akaramba achingodaro. Akabvuma kuti aiziva kuti panofanira kuva nezvakawanda zvinoreva ndima idzodzo, asi Tiffany ndiye akanga ari munhu wokutanga kudzitsanangura kwaari zvakajeka kudaro. Kudzidza kwapera, akabvunza Tiffany kuti akaziva sei zvakawanda kudaro nezveBhaibheri.

“Imhaka yokuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha,” akapindura kudaro. “Vabereki vangu vaitsanangura uprofita ihwohwo kwandiri kanoverengeka ndisati ndave kuhunzwisisa.”

Vaaidzidza navo vakashamiswawo nezivo yake yeBhaibheri. Mumwe mudzidzi akati kuna Tiffany: “Zvino ndava kuziva nei imi Zvapupu zvaJehovha muchienda pasuo nesuo; imhaka yokuti munoziva zvakawanda zvikuru nezveBhaibheri.” Vamwe vakavimbisa kuti havaizomutsvinyira zvekare pamusoro pezvaanodavira.

Apo Tiffany akaudza vabereki vake zvakanga zvaitika, vakasarudza kuti ape mudzidzisi wake bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Paakaita kudaro uye paakaratidza mudzidzisi wake chikamu chinotsanangura uprofita hwaDhanieri, akabva angogamuchira bhuku racho ndokumutenda nokuda kwaro.

Chokwadi, apo pwere dzechiKristu dzinotaura nokushinga zvadzakadzidziswa navabereki vadzo nezvaMwari uye Bhaibheri, dzinounza kurumbidzwa uye kukudzwa kuna Jehovha uye dzinozviunzira zvikomborero.—Mateu 21:15, 16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe