RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 7/1 p. 32
  • Nei Tichifanira Kukanganwira?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifanira Kukanganwira?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 7/1 p. 32

Nei Tichifanira Kukanganwira?

“VASAYENDISITI vakatanga kutsvakurudza ruzivo rwakatoratidza kuti kukanganwira kunogona kuvandudza pfungwa—uye, sezvingabvira, utano—hwomuviri,” inodaro The Toronto Star yokuCanada. Asi, Purofesa Carl Thoresen weStanford University, U.S.A., mutungamiriri wevanotsvakurudza ruzivo weStanford Forgiveness Project, anoti pane “vanhu vashoma chaizvo vanonzwisisa chinonzi kukanganwira uye mashandire akunoita.”

Kukanganwira kwechokwadi kunoonekwa sechinhu chinokosha chechiKristu. Mashoko eThe Toronto Star anokurondedzera so“kuziva kuti watadzirwa, wobvisa kutsamwa kwose kunenge kwavapo, uye zvishoma nezvishoma kwava kuratidzira munhu atadza wacho tsitsi uye kunyange rudo.” Kunofanira kusiyaniswa nokupembedza, kusava nebasa nazvo, kukanganwa, kana kuti kuramba mhosva; uye hakurevi kuzvidzosera kumashure mumamiriro ezvinhu asina kufanira. Mashoko acho anoti chinhu chikuru nezvokukanganwira kwechokwadi ndecho“kubvisa kutsamwa uye pfungwa dzakashata.”

Vanotsvakurudza ruzivo vanoti kunyatsoongorora zvinhu zvakanaka zvinowanwa nomuviri nemhaka yokukanganwira kunodiwa. Zvisinei, vanotaura kubatsira kwazvinoita mupfungwa,  kunosanganisira “kusanyanya kuzvidya mwoyo, kufunganya, uye kuora mwoyo.”

Chimwe chikonzero chinokosha chokuva anokanganwira chinoratidzwa pana VaEfeso 4:32, panoti: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi zvikuru, muchikanganwirana zvikuru sezvo Mwari akakukanganwiraiwo zvikuru nokuna Kristu.” Nezvokukanganwira, kungofananawo nezvimwe zvinhu, tinokurudzirwa kuva vatevedzeri vaMwari.—VaEfeso 5:1.

Kurega kukanganwira vamwe kana chikonzero chokuratidza ngoni chiripo kungakanganisa ukama hwedu naMwari. Jehovha anotitarisira kuti tikanganwirane. Ipapo tinogona kunyengetera kuti achatikanganwira.—Mateu 6:14; Mako 11:25; 1 Johani 4:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe