RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 7/15 pp. 3-4
  • Upenyu Hwako Hungawedzera Kuva Nechinangwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwako Hungawedzera Kuva Nechinangwa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Unoda Mari Yako Kana Kuti Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kuona Mari Neziso Rakanaka
    Mukai!—2015
  • Batsirwa Nokutsvaka Zvinhu Zvinokosha Pakunamata
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 7/15 pp. 3-4

Upenyu Hwako Hungawedzera Kuva Nechinangwa Here?

UKOSHI hwechokwadi hausi zvahunoratidzika kuva nguva dzose. Mari yepepa inokosha kupfuura dzose yakagadzirwa muUnited States yaive noukoshi hwe$10,000 (Z$380000.) Asi pepa rayakadhindirwa rinongokosha masendi mashomanana chete.

Wakamboshamisika here kana zvidimbu zvepepa zvine ukoshi hwechokwadi hushomanana izvo pachazvo zvingaita kuti upenyu hwako huve nechinangwa chaichoicho? Vanhu vakawanda vanofunga kuti zvinogona. Mamiriyoni anoshanda siku nesikati kuti awane mari yakawanda kwazvo seyaangagona. Dzimwe nguva kutsvaka mari kunoreva kuisa utano hwao, shamwari dzao, kunyange mhuri dzao mungozi. Zvichiyamurei? Mari—kana zvatinotenga nayo—zvingaunza kugutsikana chaikoiko kunogara here?

Maererano nevanotsvakurudza ruzivo, patinonyanya kutsvaka kugutsikana pazvinhu zvokunyama, kashoma kuti tikuwane. Mutori wenhau Alfie Kohn anogumisa kuti “kugutsikana chokwadi hakutengwi. . . . Vanhu vanoisa pfuma panzvimbo yokutanga muupenyu vanowanzova vanofunganya zvikuru nokuora mwoyo uyewo kazhinji havavi noutano hwakanaka.”—International Herald Tribune.

Kunyange zvazvo vanotsvakurudza ruzivo vangafunga kuti upenyu hune chinangwa hunoda chimwe chinhu chisiri mari, vanhu vakawanda vanofunga zvakasiyana. Izvi hazvimboshamisi, sezvo vaya vanogara munyika dzokuMadokero vanganzwa mashoko okushambadza akawanda kusvika ku3 000 pazuva. Kunyange iwaya ari okushambadza motokari kana kuti zvihwitsi, pfungwa huru ndeyokuti: ‘Tenga chinhu ichi, uye uchawedzera kufara.’

Mugumisiro wokusimudzira pfuma yokunyama kunopfuurira ndoupi? Chokwadi, ndicho chikonzero nei zvinhu zvomudzimu zvichiwanzoregwa! Maererano nomushumo uri mumagazini yeNewsweek, bhishopi mukuru weCologne, Germany, akazivisa munguva pfupi yapfuura kuti “munzanga yedu, Mwari haachambotaurwi nezvake.”

Zvichida wakapedzera rinoda kuva simba rako rose uchitsvaka zvokurarama nazvo. Zvimwe unonzwa kuti une nguva shoma yokuita chimwe chinhu chipi nechipi. Zvisinei, nguva nenguva, unganzwa kuti panofanira kuva nezvakawanda kuupenyu pane kungoita zvinhu zvinodzokororwa zvisingaperi kusvikira utano hwako kana kuti zera rako zvakumisa.

Kufungisisa zvikuru zvinhu zvomudzimu kungakuita kuti ugutsikane zvakawedzerwa here? Chii chingaita kuti upenyu hwako huwedzere kuva nechinangwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe