RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 7/15 p. 32
  • Mabasa Akanaka Kwazvo Anounza Mbiri Kuna Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabasa Akanaka Kwazvo Anounza Mbiri Kuna Mwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 7/15 p. 32

Mabasa Akanaka Kwazvo Anounza Mbiri Kuna Mwari

VAYA vanoda Mwari vanoedza kuratidza chiedza chomudzimu chiri muShoko rake, Bhaibheri. Nokuita izvi, vanotevera murayiro waJesu wokuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka kwazvo vape mbiri kuna Baba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:16) Shoko rinotaurwa uyewo kuzvibata kwakarurama zvingaunza mbiri kuna Mwari.

Zvapupu zvaJehovha zvinotsvaka kufadza Mwari nokuita maererano neBhaibheri uye nokuedza kubatsira vamwe mumudzimu. Zvinoita izvozvo kunyange munyika umo ushumiri hwazvo hwapachena husati hwanyoreswa zviri pamutemo. Muguta guru reimwe yenyika idzi, Zvapupu zvave zvichiita kokorodzano dzegore negore dzakapindwa navanhu vakawanda zvakasiyana-siyana kubva pa6 000 kusvika ku9 000. Nokuda kwokuungana kwakadaro, zvakarenda horo muchivako chinoitirwa mashoo. Sezvazvakanga zvakaita mumakore akanga apfuura, kokorodzano yazvo isati yatanga muna 1999, mazana eZvapupu akashanda zvakaoma kuchenesa zvivako zvacho nokuisa gudzanzwi uye zviuru zvamacheya.

Gadziriro dzose idzi hadzina kuitwa dzisingacherechedzwi. Vanotarisira chivako chacho vakacherechedza mabasa aya. Vakaonawo kuti, kunyange kwaiva nenhamba yapamusoro-soro yevakapinda ye15 666, zvinhu zvose zvakafamba zvakanaka uye Zvapupu zvacho zvakanga zvakarongeka zvikuru. Vanotarisira vacho vakafadzwawo nokunyatsochenesa kwakaitwa pashure pacho.

Vanotarisira vacho vakaonga zvose izvi nokuisa Zvapupu panzvimbo yokutanga kuitira kuti zvizova nomukana wokutanga kurenda chivako chacho gore raitevera. Asi vanotarisira vacho vakatoita zvakawanda. Pana July 15, 1999, vakapa dare rekokorodzano mubayiro wokuonga. Mashoko okuti “ungano yeZvapupu zvaJehovha” akanga akatemerwa pabheji racho—chimwe chinhu chisingatarisirwi munyika umo basa razvo rokudzidzisa Bhaibheri riri kurambidzwa.

Munyika yose muna 2000/2001, mamiriyoni anotarisirwa kupinda mazana eKokorodzano dzoRuwa dzeZvapupu zvaJehovha dze“Vaiti veShoko raMwari.” Nokuvapo, ungacherechedza woga kuti vaya vanoita nomwoyo wose zvinotaurwa muBhaibheri vanobatanidzwa sei mumabasa akanaka kwazvo anounza mbiri kuna Mwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe