Chidzidzo Kubva Kumufambisi Wechikepe
KUFAMBA uri woga pagungwa guru kunogona kunetesa. Chiveve chinokonzerwa nokuneta chinogona kumanikidzira mufambisi wechikepe zviri nyore kutanga kufunga nenzira inokuvadza, zvokuti kukanganisa uye kusarudza kwakaipa kunoitwa. Nemhaka yeizvi, anonzwisisa kukosha kwechibatiso chechikepe mugungwa. Chinobvumira mufambisi wechikepe akaneta kuzorora ndokuwanazve simba pasina kukukurwa zvine ngozi. Uyewo, chibatiso chechikepe mugungwa chinomanikidzira mberi kwechikepe kuti kurambe kwakatarira kuri kubva mhepo nemafungu ndokuchengeta chikepe munzvimbo yacho yakagadzikana kwazvo.
Kungofanana nevafambisi vezvikepe vanotarisana nengozi dzinoverengeka mugungwa, vaKristu vanotarisana nedzvinyiriro dzinopfuurira dzenyika ino uye vanonzwa vachida kuzorora. Kutaura zvazviri, Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.” (Mako 6:31) Nhasi, vamwe vangava nevhiki shomanana dzokufamba kana kuva nokupera kwevhiki kwavanenge vasipo kuti vanozorora nemhuri dzavo. Nguva dzakadaro dzinogona kuzorodza nokupazve simba. Zvisinei, tinogona sei kuva nechokwadi chokuti takachengeteka mumudzimu panguva dzakadaro? Chii chingashanda sechibatiso chedu chechikepe chomudzimu chinotibatsira kudzivisa kukukurwa uye kuramba takagadzikana?
Jehovha nomutsa ane zvaakatigadzirira. Hapana zvimwe kunze kweShoko rake Dzvene, Bhaibheri. Nokuriverenga zuva nezuva, tinogona kugara pedyo naJehovha uye hatingakukurwi kubva kwaari. Zano raro rinotitsigisa uye rinotigonesa kukurira miedzo yaSatani nenyika yake. Kuramba kwedu tichitevera purogiramu yenguva dzose yokuverenga Bhaibheri, kunyange patinenge tisiri pane zvatinoita zuva nezuva, kungashanda kutitsigisa mumudzimu.—Joshua 1:7, 8; VaKorose 2:7.
Munyori wepisarema anotiyeuchidza kuti “Wakakomborerwa munhu . . . anofarira murayiro waJehovha; anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.” (Pisarema 1:1, 2) Kurava Shoko raMwari zuva nezuva kunotiunzira ‘mufaro’ wokuva vanozorodzwa zvechokwadi uye kuwanazve simba, takagadzirira kupfuurira noupenyu hwedu hwechiKristu.