Kudanana kwechiKristu—Kunopfuura Kungotaurawo Zvakwo
MOTO pawakaparadza musha wavo muTrinidad, vemhuri yekwaBartholomew vakarasikirwa nezvinhu zvose kunze kwoupenyu hwavo. Hama yavo inogara pedyo yakakwanisa kugara navo, asi izvi hazvina kugumisa nyaya yacho.
Olive Bartholomew mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye nhengo dzeungano yaari—pamwe neavo vari munharaunda dzakapoteredza—vakatanga kupa mipiro yokuvakisazve imba iyo Olive nemhuri yake vakanga varasikirwa nayo. Dare rakaumbwa kutarisira chirongwa chokuvakazve, uye kuvaka kwakatanga. Zvapupu zvinenge 20, pamwe navamwe vavakidzani, vaiva panzvimbo yacho. Kunyange vaduku vaivapowo, uye vamwe vakanga vakagadzirira kupa zvokudyira-dyira.
“Vemhuri yangu vari kukatyamadzwa,” anodaro Olive, sezvakashumwa muSunday Guardian yokuTrinidad. “Havasi Zvapupu, uye murume wangu haasati abvuma zvaari kuona.”
Mukupfupikisa zvakaitwa, mutungamiriri wechirongwa chacho chokuvaka akasimbisa kuti zvechokwadi mabasa akadai zviratidzo zvinozivisa chiKristu chechokwadi. Akati: “Hatingoendi pamusha nomusha tichitaura nezvokudanana. Tiri kuedza kuita zvatinoparidza.”—Johani 13:34, 35.
[Mufananidzo uri papeji 32]
Olive Bartholomew nomurume wake