RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 10/1 p. 32
  • Wakangwara Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakangwara Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 10/1 p. 32

Wakangwara Here?

PAKUSARUDZA vatongi vaIsraeri, Mosesi akaedza kutsvaga “varume vakachenjera, vakangwara vane [“ruzivo,” NW].” (Dheuteronomio 1:13) Ruzivo, urwo rwunouya nokukura, handirwo chete rwaishandiswa pakusarudza. Uchenjeri noungwaru zvaikoshawo.

Munhu akangwara anoratidza kunzwisisa mukutaura nomumufambiro. Maererano neWebster’s Ninth New Collegiate Dictionary munhu akangwara “anokwanisawo kuchengetedza runyararo rwokuchenjera.” Hungu, pane “nguva yokutaura” uye pane “nguva yokunyarara,” uye munhu akangwara anonzwisisa musiyano wacho. (Muparidzi 3:7) Panowanzova nechikonzero chakanaka chokunyarara, nokuti Bhaibheri rinoti: “Kudarika hakungakoni pamunhu una mashoko mazhinji.”—Zvirevo 10:19.

Kuva vakangwara pakubata nevamwe chinhu chinodiwa nevaKristu. Uyo anonyanyotaura kana anotaura nesimba haasi iye anonyanyokosha kana anodikanwa zvikuru. Yeuka, Mosesi akanga “ane simba mumashoko ake,” asi aisagona kutungamirira rudzi rwaIsraeri zvinogutsa kusvikira atanga kuva nemwoyo murefu, unyoro, nokuzvidzora. (Mabasa 7:22) Saka, avo vakapiwa chiremera pamusoro pevamwe vanoedza kuva nomwero uye kuratidza mudzimu wokubvuma zvinotaura vamwe.—Zvirevo 11:2.

Avo vakapiwa naJesu “zvinhu zvake zvose” vanotsanangurwa muShoko raMwari se“[v]akatendeka, [v]akangwara.” (Mateu 24:45-47) Havamhanyiri Jehovha pamberi vasina kumbofunga; uyewo havasaririri kumashure apo nhungamiro yaMwari inenge yakajeka panhau yakati. Vanoziva kana iri nguva yokutaura uye kana iri nguva yokumirira vanyerere kuti vawedzere kujekerwa. VaKristu vose vanoita zvakanaka kutevedzera kutenda kwavo asi vachiratidzawo kuti vakangwara, sezvinoita boka romuranda.—VaHebheru 13:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe