RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 10/15 p. 3
  • Ungaswedera Pedyo naMwari Asingaoneki Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaswedera Pedyo naMwari Asingaoneki Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Takazowana Basa Rinogutsa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Unonzwa Uri Pedyo naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Batsira Mapofu Kudzidza nezvaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Ushamwari Hwako naJehovha Hwakasimba Zvakadii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 10/15 p. 3

Ungaswedera Pedyo naMwari Asingaoneki Here?

‘Ndingatanga sei ukama hwepedyo nomunhu wandisingagoni kuona?’ ungabvunza kudaro. Iwoyo ungaratidzika kuva mubvunzo une musoro.  Asi funga kuti:

KUONA kunokosha zvakadini pakutanga ukama hworudo uye husingaperi? Ko zvisingaoneki hazvina kukosha zvakaenzana here, kana kutopfuura? Zvinodaro! Nechikonzero ichocho vamwe vanhu vakatanga ukama hwepedyo navamwe nokugara vachinyorerana—tsamba dzavo dzichiratidza nokutendeseka zvavanoda, zvavasingadi, vavariro, kuzvibata kwavanoda, kufarira kwavo zvinosetsa, uye zvimwe zvinooneka zvounhu hwavo kana zvavanofarira.

Mapofu anoratidzawo kuti kuona hakukoshi pakutanga ukama hwapedyo nomumwe munhu. Funga nezvomuenzaniso waEdward naGwen, mapofu akaroorana.a Edward akasangana naGwen pachikoro chemapofu, paakanga ari mumwe wevadzidzi vechikuru. Akayemura unhu hwaGwen, zvikurukuru kutendeseka kwake mukutaura nomumufambiro, uye kunyatsoda basa kwake. Iyewo Gwen akakwezvwa naEdward nokuti, achitaura pachake anoti “airatidza unhu hwose hwandakarerwa ndichidavira kuti hunokosha.” Vakatanga kudanana, uye makore matatu gare gare vakanga varoorana.

“Pamunenge muri pamwe chete,” anodaro Edward, “upofu hahuna zvahunonyanya kukanganisa pakuvaka ukama nomumwe munhu. Mungave musingakwanisi kuonana henyu, asi manzwiro amunoita haana kupofumara.” Iye zvino, pashure pemakore 57, vachiri kudanana zvikuru. Vanotsanangura kuti zvinoita kuti vave noukama hwakanaka zvinosanganisira zvinhu zvina: (1) kucherechedza unhu hwomumwe, (2) kufunga nezvounhu ihwohwo nokukwezvwa nahwo, (3) kuramba muchikurukurirana zvakanaka, uye (4) kuita zvinhu pamwe chete.

Zvinhu zvina izvi zvinokosha muukama hupi nohupi hwakanaka, pangava pakati peshamwari, vakaroorana kana kuti, zvinotonyanya kukosha, pakati pavanhu naMwari. Munyaya inotevera, tichaona kuti kushandisa zvinhu izvi kungatibatsira sei kutanga ukama hwepedyo naMwari, kunyange zvazvo tisingagoni kumuona.b

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita akachinjwa.

b Kusiyana noukama hwavanhu, ukama naMwari hwakavakirwa pakutenda kuti ariko. (VaHebheru 11:6) Kuti uwane kutsanangurwa kwakakwana kwokuvaka ukama hwakasimba muna Mwari, tapota ona bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe