“Muenzaniso Wokubatana”
WAIVA musoro wenyaya yomupepeti wenhau yakabudiswa mupepanhau muIndaiatuba, São Paulo, muBrazil. Ndivanaani vakagadza muenzaniso wacho? “Zvapupu zvaJehovha, zvinoronga kuvaka ‘Horo yoUmambo’ itsva, sokudanwa kunoitwa temberi kana kuti horo dzazvo, zviri kupa muenzaniso mupenyu uye wakasimba wokubatana usingarambiki,” akatsanangura kudaro munyori wacho.
Kubatana kuri pakati peZvapupu zvaJehovha kunooneka pazviitiko zvakadai. Nokudaro nyaya yacho yakati: “Zvinoorora kuona varume, vakadzi, uye vayaruki vanozvipira vachishanda pamwe chete nokuzvidira kuti vavake nzvimbo yavangasonganira pamwe chete uye kunamata Mwari.”
Zvapupu zvaJehovha zvinogadza muenzaniso wakanaka mune zvimwe zvinhuwo. “Mukuwedzera kukudzidza nokunyengetera, chinangwa chazvo ndechokubatsira zvidhakwa nevakapindwa muropa nezvinodhaka kuti vasiye miitiro iyoyo uye kuratidza vanhu nzira yokubatana nokudanana,” yakawedzera kudaro nyaya yacho. Zvinoita sei izvi? Zvapupu zvinoziva kuti kudzidza nokushandisa zano reBhaibheri kunobatsira munhu kusiya zvakaipa. Ndosaka zvichiedza kudzidzisa vamwe zvazvakadzidza muBhaibheri. Nyaya yacho inopedzisira ichiti “pasina mubvunzo muenzaniso [wazvo] unoda kutevedzerwa nokukurumidza.”
Misangano yeZvapupu zvaJehovha inobvumirwa munhu wose uye hapana mari inokumbirwa. Unokokwa noushamwari kushanyira Horo yoUmambo iri pedyo newe.