Rugare Rwenyika Yose—Sei?
RUGARE rwenyika yose rwava pedyo here? Vazhinji vaifunga kudaro asi iye zvino havasisina chokwadi. Maererano nomushumo waitaura nezvezvinetso zvomunguva yedu yemberi, wakabudiswa muDaily Mail & Guardian yokuSouth Africa, “zvakafanotaurwa makore 10 akapfuura nezvohurongwa hutsva hwenyika dzose zvava kuratidzika kuva tariro yenhema.”
Vanyori vacho vanofunga nezvechivimbo chaiva chakatekeshera makore gumi chete apfuura. Hondo Yamashoko yakanga ichangopera, uye pakanga pasisina makakatanwa pakati pamasimba enyika makuru. Pane kwairatidzika kuva mavambo enguva itsva, vazhinji vaitarisira kuti vanhu vaizotanga nhano dzinokosha mukubvisa urombo, urwere, nezvinetso zvezvakatipoteredza. “Zvaifungidzirwa izvozvo zvava kuratidzika kuva zvisina tariro zvachose,” unodaro mushumo wacho. “Magakava matsva akatanga mune dzimwe nzvimbo dzataisamboziva; urombo hwenyika yose huri kuramba huchikwira. Pane dzimwe nyika mbiri itsva dzava nezvombo zvenyukiriya. Mukurumbira weUN washatiswa zvikuru nokukundikana kwayo kuita chimwe chinhu kuzvinetso zvinopfuurira zvokugara zvakanaka kwevanhu. Mamiriro ezvinhu ari kuchinja kubva pakuva asingapi tariro kuenda pakuva anotyisa.”
Vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti zvinoedzwa nomunhu, kunyange zvakanaka sei, hazvimbofi zvakabudirira zvakakwana. Zvinotadza nei? Nokuti, sokutaura kunoita Bhaibheri, “nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Ichidzorwa naSatani, nyika haingagoni kuitwa kuti ive Paradhiso sezvayakanga yasikirwa naMwari.
Kunyange zvakadaro pane chikonzero chokuva nechivimbo. Jehovha Mwari anopikira kuuyisa rugare rwenyika yose, kwete nokugadziridza gadziriro ino yezvinhu, asi nokuuyisa “pasi idzva” umo “kururama kuchagara ma[r]iri.” (2 Petro 3:13) Hungu, noUmambo hwaMwari pasi redu richashandurwa kuva musha une rugare nounofara, umo upenyu nebasa zvicharamba zvichifadza kuvanhu vose vanoteerera. Uyezve, Mwari akapikira ku“pukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.” Zvipikirwa izvi hazvina kuvakirwa pazvinhu zvinofanotaurwa nevanhu zvisina chokwadi. Asi zvakavakirwa paShoko risingakundikani roMusiki, uyo asinganyepi.—Zvakazarurwa 21:4; Tito 1:2.