RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 11/15 p. 32
  • Runako Rwomukati Rwunokosha Zvechigarire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Runako Rwomukati Rwunokosha Zvechigarire
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 11/15 p. 32

Runako Rwomukati Rwunokosha Zvechigarire

“JAYA RINOENZANISA RUNAKO NECHINHU CHINORUMBIDZWA,” AKADARO MUMWE MUKRISTU AKATENDEKA AKWEGURA.

Hungu, vanhu vakabvira kare vachida kusimbisa zvisina kufanira runako rwokunze, kazhinji zvichiita kuti vafunge zvisizvo nezvokukosha kwomukati. Zvisinei, Musiki wedu, anotarira zvatiri mukati-kati, pasinei zvapo nechitarisiko chedu chokunze. Nenzira iyi anogadza muenzaniso wakaisvonaka wokusarudza kwakakwana. Maererano neBhaibheri, Mwari pachake akati: “Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”—1 Samueri 16:7.

Mwari ndiye Mavambo orunako rwechokwadi rwavanhu, uye Shoko rake rinozivisa kuti pakuongorora runako rwechokwadi rwomunhu, unhu hwomudzimu ndihwo hunokosha kudarika zvose. Bhaibheri rinoti: “Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; asi mukadzi unotya Jehovha, ndiye unofanira kurumbidzwa.” (Zvirevo 31:30) Zvechokwadi, kukwezva kwokunze kungavanza kuipa kwomukati. (Estere 1:10-12; Zvirevo 11:22) Nepo runako rwomuviri rungapera nokufamba kwenguva, runako rwomukati—unhu hwomwoyo—hunogona kukura uye kugara kwenguva yakareba.

Naizvozvo, kuchenjera sei kukudziridza unhu hwakadai sorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora! (VaGaratiya 5:22, 23) Saka tinogona kuva norunako rwomukati, rwunonyatsokosha zvechigarire.—1 Petro 3:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe