Vanoparadza Miti
MUNGUVA inotaurwa muBhaibheri, miti yaionekwa sezvinhu zvinokosha. Somuenzaniso, Abrahamu paakatenga nzvimbo yokuti avige mudzimai wake waaida, Sara, miti yakataurwawo muchibvumirano chokutengeswa kwenzvimbo yacho.—Genesi 23:15-18.
Nhasiwo, miti inokosheswa chaizvo, uye nyika dzepasi rose dziri kukoshesa zvikuru kuchengetedzwa kwemasango. Bhuku rinonzi State of the World 1998 rinoti: “Kunyange zvazvo vanhu vakawanda munyika dzokuchamhembe vachityira kuparara kwemasango ari munyika dzinopisa dzinogara dzichinaya mvura, vangasaona kuti masango asina kunyanya kukura omunyika dzavo ndiwo ari kuparadzwa kupfuura mamwe ose.” Chii chiri kuparadza masango munyika idzodzi dzokuchamhembe kweEurope uye kuNorth America? Vanhu vakawanda vanoti zviri kukonzerwa nokutemwa kwemiti, asi kungotaurawo, kune zvimwe zvisingacherechedzwi zvinoparadzawo miti zvishoma nezvishoma. Zvii izvozvo? Kusvibiswa kwemhepo nemvura inonaya iine acid. Zvinosvibisa izvi zvinoparadza miti zvishoma nezvishoma, zvobva zvaita kuti iparadzwe nyore nyore nezvipembenene uye zvirwere.
Kwemakumi emakore, vanoona nezvezvakatipoteredza nevamwe vagari venyika vane hanya vakanyevera kuti zvinhu zvipenyu nezvakazvipoteredza zvinofanira kuchengetedzwa. Muna 1980, pakapedza masayendisiti okuGermany kudzidza zvinoita kusvibiswa kwemhepo uye mvura inonaya iine acid pazvakapoteredza kunze, akagumisa kuti: ‘Kana pakasaitwa chinhu, zvingangoita kuti mugore ra2000, vanhu vachayemura masango mumapikicha ekare nomumabhaisikopo chete.’ Zvinofadza kuti simba rine nyika rokuzvivandudza rakaita kuti irambe yakadaro pane kuti ikuvadzwe sezvakafanotaurwa.
Zvisinei, nokufamba kwenguva, Mwari ndiye achaita zvakawanda kudzivirira zvinhu zvipenyu nezvakatipoteredza. “Unodiridza makomo ari padzimba dzake” uye “unomeresa uswa hwezvipfuwo, nemiriwo, inobatsira vanhu.” Uye akapikira ‘kuparadza vanoparadza pasi.’ (Pisarema 104:13, 14; Zvakazarurwa 11:18) Zvichava zvakazonakira vanhu vachagara pasi kurarama munyika isina zvinoisvibisa nokusingaperi!—Pisarema 37:9-11.