RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 4/1 p. 32
  • Haana Kunyanyochembera Zvokutadza Kudzidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Haana Kunyanyochembera Zvokutadza Kudzidza
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 4/1 p. 32

Haana Kunyanyochembera Zvokutadza Kudzidza

KSENIYA akaberekwa muna 1897. Aiva nevanasikana vatatu, mwanakomana mumwe chete, vazukuru 15, uye vazukuru chibvi vake 25. Upenyu hwake hwose akaita zvaakadzidziswa kuita nevabereki vake. Kunyange zvazvo akanga auya kuMoscow somupoteri achibva kuAbkhaz Republic yakanga yasakadzwa nehondo, iri pakati peGungwa Dema neCaucasus, ainyatsogutsikana noupenyu hwake, zvikurukuru nechaaiti chitendero chaakasiyirwa nevabereki.

Muna 1993, Meri, mwanasikana waKseniya akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Meri akatanga kutaura naKseniya nezvaJehovha Mwari uye Bhaibheri, asi akanga asingadi kuteerera. Kseniya akaramba achiudza mwanasikana wake kuti “Hazvichaita kuti ndidzidze chimwe chinhu chitsva.”

Kunyange zvakadaro, mwanasikana wake Meri; Londa mudzimai womuzukuru wake; uye vazukuru chibvi vake Nana naZaza, avo vakanga vava Zvapupu zvaJehovha vose, vakaramba vachitaura naye nezveBhaibheri. Mamwe manheru muna 1999, vakaverengera Kseniya rumwe rugwaro rwakamubaya mwoyo. Rwaiva nemashoko aJesu anobaya mwoyo aakataura kuvaapostora vakatendeka paaitanga Kudya kwaShe Kwemanheru. (Ruka 22:19, 20) Manheru iwayo, pazera remakore 102, Kseniya akasarudza kudzidza Bhaibheri.

“Pashure pokurarama makore 102,” anodaro Kseniya, “ndazoziva zvinoreva upenyu. Iye zvino ndava kuziva kuti hapana chinhu chiri nani kupfuura kushumira Mwari wedu akanaka, ane rudo, Jehovha. Ndichiri kuzvinzwa uye utano hwangu hwakanaka. Ndinogona kuverenga ndisina magirazi uye ndinotonyatsoshamwaridzana nemhuri yangu.”

Musi waNovember 5, 2000, Kseniya akabhabhatidzwa. Anoti: “Iye zvino ndava kupa upenyu hwangu kuna Jehovha kuti ndimushumire norudo. Ndinogovera magazini nematurakiti ndakagara pachiteshi chemabhazi chiri pedyo nepamba pangu. Hama dzangu dzinowanzondishanyira, uye ndinodziparidzira nomufaro nezvaJehovha.”

Kseniya ari kutarisira zuva apo “nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; [uye paachadzokera] kumazuva ouduku hwake.” (Jobho 33:25) Kana munhu ane makore anopfuura zana asinganzwi seakura zvokutadza kudzidza zvinoreva upenyu kubva muBhaibheri, ko iwe?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe