RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 4/1 p. 32
  • Unokokwa Noushamwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unokokwa Noushamwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 4/1 p. 32

Unokokwa Noushamwari

KUDYA Kwemanheru Kwokupedzisira, kwakatangwa naShe Jesu Kristu makore 2 000 akapfuura, hakusi chiitiko chenhau dzakaitika kare chinongofadzawo zvacho. Kwakava nesimba guru pavanhu kubvira pakwakatangwa. Vakurudzirwa nezvavakaverenga munhoroondo dzeEvhangeri maererano nezvakaitika usiku ihwohwo, vakawanda vakaedza kuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru munzira dzakasiyana-siyana.

Zvose izvi zvinonzwisisika, sezvo Jesu Kristu pachake akarayira kuti vateveri vake vachengete chiitiko ichi uye kuti vaite izvi nguva dzose. Akanyatsovaudza kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—Ruka 22:19; 1 VaKorinde 11:23-25.

Chokwadi, kuti kuchengeta kwacho kuve chiitiko chinonyatsogutsa, munhu anofanira kuva nenzwisiso yakarurama yezvachinoreva, sezviri muShoko raMwari, Bhaibheri. Uyezve, zvinokosha kuziva zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuti ndirini pachinofanira kuchengetwa uye sei.

Zvichiteerera murayiro waJesu, Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvichaungana manheru omusi weChitatu, April 16, 2003, kuti zvichengete rufu rwaJesu. Ichava nguva yokuongorora Magwaro neyokumutsiridza kutenda kwavo uye kuda kwavanoita Ishe Jesu Kristu, uyo akati: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Unokokwa noushamwari kuzoungana navo manheru iwayo kuitira kuti zvimwe iwewo ungasimbisa kutenda kwako uye kuda kwaunoita Jesu Kristu uye Baba vokudenga, Jehovha Mwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe