RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 8/15 p. 32
  • “Ndicho Chinhu Chakanakisisa Chamungaita”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndicho Chinhu Chakanakisisa Chamungaita”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 8/15 p. 32

“Ndicho Chinhu Chakanakisisa Chamungaita”

ALEXIS mukomana ane makore mashanu ari kuguta rinonzi Morelia, kuMexico, ane vabereki vari kudzidza Bhaibheri nokupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Ari pagungano redunhu nemhuri yake, akaona muenzaniso wokuparidza pamba nemba. Akangoerekana ataura kuna baba vake ndokubvunza kuti, “Baba, Baba, madii kuenda kunoparidza?” Baba vake vakapindura kuti, “Ndichiri kudzidza kuti ndizodaro.” Alexis achifara zvikuru akati, “Baba, ndicho chinhu chakanakisisa chamungaita.”

Mwana uyu akaona kukosha kwokuziva nezvaJehovha ndokuita maererano nako. Sezvo achigara muimba imwe chete nevanin’ina vake vana vaamainini vake, akatanga anyengetera kuna Jehovha uye akabva ataura navo nezvezvaakanga adzidziswa nevabereki vake muBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Kunyange zvazvo Alexis akanga asati ava kugona kuverenga, ainyatsoziva zviri mubhuku racho nemifananidzo inotsanangura nyaya dzacho. Akatotaura kuti aida kushanyira vanhu mumisha yavo kuti avaudze zvaaidzidza nezvezvinangwa zvaMwari.

Chokwadi, vaduku nevakuru vanogona kuwiriranisa upenyu hwavo nezvinotarisirwa kwavari naJehovha “Mutsvene,” uye vobva vaita basa rakanakisisa rokumupupurira pakati pemarudzi. (Isaya 43:3; Mateu 21:16) Pasina mubvunzo, ndicho chinhu chakanakisisa chingaitwa nomunhu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe